Isaya 46
46
Vamwari vaBhabhironi naMwari waIsiraeri vanofananidzwa
1Bheri anowira pasi, Nebho anokotama; zvifananidzo zvavo zviri pamusoro pezvipfuwo nemombe, zvinhu zvamaitakura zvakaitwa mutoro, wakatakudzwa zvipfuwo zvaneta. 2Vanokotama, vanowira pasi pamwechete, vakakoniwa kurwira mutoro, asi ivo vamene vakatapwa.
3“Nditeererei, imi imba yaJakobho, navakasara veimba yaIsiraeri, vakatakurwa neni kubva pakuberekwa kwavo, vakasimudzwa kubva pachizvaro; 4kusvikira makwegura, ndini iye, ndichakutakurai kusvikira vhudzi renyu rachena; ini ndakakuitai, ndichakutakurai, zvirokwazvo ndichakusimudzai, nokukurwirai. 5Muchandifananidza naniko, nokundienzanisa nani, nokunditi ndakaita sani, wandingafanana naye? 6Ivo vanodurura ndarama pahombodo, nokuyera sirivha nechiyero, vanoripira mupfuri wendarama, iye ndokuita mwari nayo; zvino vopfugama, nokunamata. 7Vanochikwidza pamapfudzi, vanochitakura, ndokuchigadzika panzvimbo yacho, icho ndokumira; hachibvi panzvimbo yacho, zvirokwazvo, kunyange munhu akadana kwachiri, hachigoni kupindura, kana kumuponesa pakutambudzika kwake.
8“Rangarirai chinhu ichi, muve varume, fungaizve chinhu ichi, imi vadariki. 9Rangarirai zvinhu zvapfuura zvakare; nokuti ndini Mwari, hakuna mumwe, ndini Mwari, hakuna akafanana neni; 10iye anoparidza kubva pakutanga izvo zvichaitika pakupedzisira, nokubva panguva yekare-kare zvinhu zvichigere kuitwa, ndichiti, ‘Zvandakarayira zvichamira, ndichaita zvose zvandinoda;’ 11ndinodana gondo ribve kumabvazuva, munhu wandakarayirira abve kunyika iri kure; zvirokwazvo, ndakataura, ndichazviuyisawo, ndakazvitema, ndichazviitawo. 12Nditeererei, imi mune mwoyo mikukutu, imi muri kure nokururama; 13Ndichaswededza kururama kwangu, hakungavi kure, noruponeso rwangu harunganonoki; ndichaisa ruponeso paZioni, nokubwinya kwangu pakati paIsiraeri.”
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 46: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: