Logo yeApp yeBhaibheri
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Makoronike 27:5 - Enzanisa Shanduro Dzose

1 Makoronike 27:5 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mukuru wavarwi wechitatu mumwedzi wechitatu ainzi Bhenaya mwanakomana waJehoyadha muprista. Ndiye aiva mukuru uye muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

Pakurirana nevamwe
1 Makoronike 27 BDSC

1 Makoronike 27:5 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Mukuru wechitatu wehondo pamwedzi wechitatu, akanga ari Bhenaya, mwanakomana womupristi Jehoyadha, iye mukuru; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.

Pakurirana nevamwe
1 Makoronike 27 SNA2002

1 Makoronike 27:5 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Mukuru wecitatu wehondo pamŋedzi wecitatu, wakaŋga ari Benaya, mŋanakomana womuprista Jehoyada, iye mukuru; paɓoka rake pakaŋga paneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna.

Pakurirana nevamwe
1 Makoronike 27 SUB1949

1 Makoronike 27:5 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Chikwata chechitatu, chaiva chomwedzi wechitatu chaitungamirirwa naBhenaya mwanakomana womupristi Jehoyadha ariye changamire. Chikwata chake chaivawo navanhu zviuru makumi maviri ane zvina.

Pakurirana nevamwe
1 Makoronike 27 SCLB

1 Makoronike 27:5 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Chikwata chechitatu, chaiva chomwedzi wechitatu chaitungamirirwa naBhenaya mwanakomana womupristi Jehoyadha ariye changamire. Chikwata chake chaivawo navanhu zviuru makumi maviri ane zvina.

Pakurirana nevamwe
1 Makoronike 27 SCLBD