2 Makoronike 3:1 - Enzanisa Shanduro Dzose
2 Makoronike 3:1 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Soromoni akatanga kuvaka temberi yaJehovha muJerusarema pagomo reMoria, apo Jehovha akanga azviratidza kuna baba vake Dhavhidhi. Pakanga pari paburiro raArauna muJebhusi, nzvimbo yakapiwa naDhavhidhi.
2 Makoronike 3:1 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Soromoni akatanga kuvaka imba yaJehovha paJerusaremu pagomo reMoria, pakanga pazviratidza Jehovha kuna Dhavhidhi baba vake, akagadzira ipapo pakanga parairwa naDhavhidhi paburiro raOrinani muJebhusi.
2 Makoronike 3:1 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ipapo Soromoni akataŋga kuʋaka imba yaJehova paJerusarema pagomo reMoria, pakaŋga paɀiratidza Jehova kunaDavidi ɓaɓa ʋake, akagadzira ipapo pakaŋga parairwa naDavidi paɓuriro raOrnani muJebusi.
2 Makoronike 3:1 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Soromoni akatangisa kuvaka imba yaTenzi muJerusaremu paGomo reMoriya, paya pakanga pazviratidza Tenzi kuna Dhavhidhi baba wake panzvimbo yakanga yasarudzwa naDhavhidhi paburiro raOrinani wechiJebhusi.
2 Makoronike 3:1 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Soromoni akatangisa kuvaka imba yaTenzi muJerusaremu paGomo reMoriya, paya pakanga pazviratidza Tenzi kuna Dhavhidhi baba wake panzvimbo yakanga yasarudzwa naDhavhidhi paburiro raOrinani wechiJebhusi.