Logo yeApp yeBhaibheri
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Makoronike 7:12 - Enzanisa Shanduro Dzose

2 Makoronike 7:12 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Jehovha akazviratidza kwaari usiku akati: “Ndanzwa munyengetero wako uye ndazvisarudzira nzvimbo ino setemberi yezvibayiro.

Pakurirana nevamwe
2 Makoronike 7 BDSC

2 Makoronike 7:12 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Ipapo Jehovha akazviratidza kuna Soromoni usiku, akati kwaari, “Ndanzwa kunyengetera kwako, ndazvitsaurira nzvimbo iyi, ive imba yokubayira zvibayiro.

Pakurirana nevamwe
2 Makoronike 7 SNA2002

2 Makoronike 7:12 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ipapo Jehova akaɀiratidza kunaSoromoni ʋusiku, akati kwaari: Ndanzwa kunyeŋgetera kwako, ndaɀitsaurira nɀimbo iyi, iʋe imba yokuɓayira ɀiɓayiro.

Pakurirana nevamwe
2 Makoronike 7 SUB1949

2 Makoronike 7:12 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Tenzi akazviratidza usiku kuna Soromoni akamuti, “Munamato wako ndaunzwa, ndasarudza nzvimbo ino kuti ive yangu kuti ive imba yokupirira zvibayiro.

Pakurirana nevamwe
2 Makoronike 7 SCLB

2 Makoronike 7:12 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Tenzi akazviratidza usiku kuna Soromoni akamuti, “Munamato wako ndaunzwa, ndasarudza nzvimbo ino kuti ive yangu kuti ive imba yokupirira zvibayiro.

Pakurirana nevamwe
2 Makoronike 7 SCLBD