Logo yeApp yeBhaibheri
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 16:14 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mabasa 16:14 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mumwe waavo vakanga vakateerera aiva mudzimai ainzi Ridhia, aiva nebasa rokutengesa nguo dzomucheka wepepuru dzaibva kuguta reTiatira, ainamata Mwari. Ishe akazarura mwoyo wake kuti agamuchire mashoko aPauro.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 16 BDSC

Mabasa 16:14 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino mumwe mukadzi, ainzi Ridhia, mutengesi wenguo tsvuku, womusha weTiatira, ainamata Mwari, akatinzwa; Ishe akazarura mwoyo wake, kuti ateerere zvaitaurwa naPauro.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 16 SNA2002

Mabasa 16:14 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino mumŋe mukadzi, wainzi Ridia, muteŋgesi weŋguʋo tȿuku, womusha weTiatira, wainamata Mŋari, akatinzwa; Ishe akazarura mŋoyo wake, kuti aterere ɀaitaurwa naPauro.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 16 SUB1949

Mabasa 16:14 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mumwe waavo vakatinzwa aiva mudzimai ainzi Ridhia weguta reTiatira aitengesa machira oruvara rwehute ainge ari munamati waMwari. Tenzi akazarura mwoyo wake kuti atirimuke mwoyo kune zvaitaurwa naPauro.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 16 SCLB

Mabasa 16:14 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mumwe waavo vakatinzwa aiva mudzimai ainzi Ridhia weguta reTiatira aitengesa machira oruvara rwehute ainge ari munamati waMwari. Tenzi akazarura mwoyo wake kuti atirimuke mwoyo kune zvaitaurwa naPauro.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 16 SCLBD