Mabasa 2:45-46 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mabasa 2:45-46 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vachitengesa zvavaiva nazvo nenhumbi dzavo, vakapa kuna ani naani aishayiwa. Mazuva ose vairamba vachiungana pamwe chete mutemberi. Vaimedura chingwa mudzimba dzavo uye vachidya pamwe chete nomufaro uye nomwoyo wakanaka
Mabasa 2:45-46 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
vakatengesa pfuma yavo nenhumbi, vakagovana navose, mumwe nomumwe paakashayiwa napo. Zuva rimwe nerimwe vakanga vachitsungirira mutemberi nomwoyo mumwe, vachimedura chingwa mudzimba dzavo, vachidya zvokudya zvavo nomufaro nomwoyo wakanaka
Mabasa 2:45-46 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
ʋakateŋgesa fuma yaʋo nenhumbi, ʋakagoʋana naʋose, mumŋe nomumŋe paakashaiwa napo. Ɀuʋa rimŋe nerimŋe ʋakaŋga ʋacitsuŋgirira mutembere nomŋoyo mumŋe, ʋacimeɗura ciŋgwa mudzimba dzaʋo, ʋacidya ɀokudya ɀaʋo nomufaro nomŋoyo wakanaka
Mabasa 2:45-46 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vaitengesa zvavaiva nazvo nezvinhu zvavo vachizvigovera vose, munhu achipiwa zvaainge asina. Zuva nezuva, nomwoyo mumwechete vaienda pamwechete kuTemberi vachimedura chingwa mudzimba dzavo. Vaidya chokudya nomwoyo unofara nemwoyo unopa
Mabasa 2:45-46 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)