Ezekieri 16:49 - Enzanisa Shanduro Dzose
Ezekieri 16:49 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Zvino ichi ndicho chaiva chivi chomununʼuna wako Sodhomu: Iye navanasikana vake, vaizvikudza vaidyisa uye vaiva vasina hanya; havana kubatsira varombo navanoshayiwa.
Ezekieri 16:49 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarira, zvakaipa zvomunun'una wako Sodhoma hezvi: Kuzvikudza, zvokudya zvakawandisa, nokuzorora kusina hanya nechinhu, ndizvo zvaakanga anazvo navanasikana vake; haana kusimbisa ruoko rwavarombo navanoshayiwa.
Ezekieri 16:49 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Tarira, ɀakaipa ɀomunuŋuna wako Sodoma heɀi: Kuɀikudza, ɀokudya ɀakawandisa, nokuzorora kusinehanya necinhu, ndiɀo ɀaakaŋga anaɀo naʋanasikana ʋake; haana‐kusimbisa ruʋoko rwaʋarombo naʋanoshaiwa.
Ezekieri 16:49 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chiona, iyi ndiyo mhosva yakanga iri yomunun'una wako Sodhomu. Iye navanasikana vake vaizvikudza, vaine zvokudya zvakawandisa nokugarika vari vanhu vari pamutambaratede asi haana kubatsira varombo nevaiva muushai.
Ezekieri 16:49 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)