Logo yeApp yeBhaibheri
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 55:2 - Enzanisa Shanduro Dzose

Isaya 55:2 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ko, munopedzerei mari pazvinhu zvisati zviri zvokudya, nesimba renyu pazvinhu zvisingagutsi? Teererai, nditeererei mugodya zvakanaka, uye mweya yenyu ichafarira zvakakora zvezvakanaka.

Pakurirana nevamwe
Isaya 55 BDSC

Isaya 55:2 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Munoparadzireiko mari muchitenga zvisati zviri zvokudya, nezvamakabatira muchitenga zvisingagutisi? Nditeererei zvakanaka, mudye izvo zvakanaka, mweya yenyu ifare nezvakakora.

Pakurirana nevamwe
Isaya 55 SNA2002

Isaya 55:2 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Munoparadzireiko mari muciteŋga ɀisati ɀiri ɀokudya, neɀamakaɓatira muciteŋga ɀisiŋgagutisi? Nditererei ɀakanaka, mudye iɀo ɀakanaka, mŋeya yenyu ifare neɀakakora.

Pakurirana nevamwe
Isaya 55 SUB1949

Isaya 55:2 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Chamunopedzera mari chiiko muchitenga zvisiri chokudya muchifondoka kushandira zvinhu zvisingagutse chii? Nyatsonditeererai mugodya zvakanaka mugozvibaya zvenyu nokudya zvakakora.

Pakurirana nevamwe
Isaya 55 SCLB

Isaya 55:2 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Chamunopedzera mari chiiko muchitenga zvisiri chokudya muchifondoka kushandira zvinhu zvisingagutse chii? Nyatsonditeererai mugodya zvakanaka mugozvibaya zvenyu nokudya zvakakora.

Pakurirana nevamwe
Isaya 55 SCLBD