Logo yeApp yeBhaibheri
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 39:18 - Enzanisa Shanduro Dzose

Jeremia 39:18 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ndichakuponesa; haungaurayiwi nomunondo asi uchatiza noupenyu hwako, nokuti unovimba neni, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ ”

Pakurirana nevamwe
Jeremia 39 BDSC

Jeremia 39:18 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Nokuti zvirokwazvo ndichakuponesa, haungaurawi nomunondo, asi hupenyu hwako huchava kwauri chinhu chakapambwa, zvawakavimba neni, ndizvo zvinotaura Jehovha.”

Pakurirana nevamwe
Jeremia 39 SNA2002

Jeremia 39:18 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Nokuti ɀirokwaɀo ndicakuponesa, hauŋgaʋurawi nomunondo, asi ʋupenyu bgako ʋucaʋa kwauri cinhu cakapambga, ɀawakaʋimba neni — ndiɀo ɀinotaura Jehova.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 39 SUB1949

Jeremia 39:18 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Chiripo chaicho ndechokuti ndichatokununura chete uye hausi kuzofa rufu rwebakatwa. Asi uchapunyuka noupenyu hwako nokuti wakavimba neni. Ndizvo zviri kutaura Tenzi.”

Pakurirana nevamwe
Jeremia 39 SCLB

Jeremia 39:18 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Chiripo chaicho ndechokuti ndichatokununura chete uye hausi kuzofa rufu rwebakatwa. Asi uchapunyuka noupenyu hwako nokuti wakavimba neni. Ndizvo zviri kutaura Tenzi.”

Pakurirana nevamwe
Jeremia 39 SCLBD