Revhitiko 2:1-10 - Enzanisa Shanduro Dzose
Revhitiko 2:1-10 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Kana munhu achiuya kuna Jehovha nechipiriso chezviyo, chipiriso chake chinofanira kuva choupfu hwakatsetseka. Anofanira kudira mafuta pachiri agoisa zvinonhuhwira pamusoro pacho, agoenda nacho kuvanakomana vaAroni vaprista. Muprista achatora tsama youpfu hwakatsetseka namafuta, pamwe chete nezvinonhuhwira, agozvipisa sechikamu chechirangaridzo paaritari. Chipiriso chakagadzirwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha. Zvimwe zvose zvinosara pazvipiriso zvezviyo ndezvaAroni navanakomana vake, chikamu chitsvene-tsvene chezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto. “ ‘Kana ukauya nechipiriso chezviyo zvakabikwa muchitofu chinofanira kuva choupfu hwakatsetseka: makeke anenge aitwa asina mbiriso uye akasanganiswa namafuta kana kuti makeke matete asina mbiriso akazorwa mafuta. Kana chipiriso chako chezviyo chagadzirirwa mugango, chinofanira kugadzirwa noupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa namafuta pasina mbiriso. Unofanira kuchipfupfunyura ugodira mafuta pachiri; ichi chipiriso chezviyo. Kana chipiriso chako chezviyo chakabikwa mugango chinofanira kuva choupfu hwakatsetseka namafuta. Uuye nechipiriso chezviyo chakaitwa nezvinhu izvi kuna Jehovha, ugochipa kumuprista achachiendesa kuaritari. Muprista achatora kubva muchipiriso chezviyo chikamu chechirangaridzo agochipisa paaritari sechipiriso chinogadzirwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha. Zvinosara pazvipiriso zvezviyo ndezvaAroni navanakomana vake, chikamu chitsvene-tsvene chezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto.
Revhitiko 2:1-10 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana munhu achiuya kuna Jehovha nechipo choupfu, chipo chake ngachive choupfu hwakatsetseka; zvino ngaadire mafuta pamusoro pacho, agoisawo zvinonhuwira pamusoro pacho. Ipapo ngaachiise kuvanakomana vaAroni, vapristi; iye atsamure tsama yake imwe youpfu hwakatsetseka namafuta nezvinonhuwira zviripo, mupristi agozvipisa paatari, chive chokurangaridza chipo icho, chipiriso chakaitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha. Zvakasara pachipiriso choupfu zvichava zvaAroni navanakomana vake; icho chinhu chitsvene-tsvene pakati pezvipiriso zvaJehovha zvakaitwa nomoto. “Kana achiuya nechipo choupfu chakabikwa muchoto, ngachive chezvingwa zvisina kuviriswa zvoupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa mafuta. Kana chipo chako chiri chipiriso choupfu chakabikwa mugango, ngachive choupfu hwakatsetseka, husina kuviriswa, hwakakanyiwa namafuta. Unofanira kuchimedura, nokudira mafuta pamusoro pacho; ndicho chipiriso choupfu. Kana chipo chako chiri chipiriso choupfu chakabikwa muhari, ngachiitwe noupfu hwakatsetseka namafuta. Unofanira kuuya kuna Jehovha nechipiriso choupfu chakaitwa nezvinhu izvi; ngachipiwe mupristi, iye agochiisa paatari. Zvino mupristi ngaatsamure pachipiriso choupfu chokurangaridza chacho, achipisire pamusoro peatari, icho chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha. Zvakasara pachipiriso choupfu ngazvive zvaAroni navanakomana vake; icho chinhu chitsvene-tsvene pakati pezvipiriso zvaJehovha zvinoitwa nomoto.
Revhitiko 2:1-10 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Kana munhu aciʋuya kunaJehova necipo coʋupfu, cipo cake ŋgaciʋe coʋupfu bgakatsetseka; ɀino ŋgaaɗire mafuta pamsoro paco, agoisa ʋo ɀinonhuwira pamsoro paco. Ipapo ŋgaaciise kuʋanakomana ʋaAroni, ʋaprista; iye atsamure tsama yake imŋe yoʋupfu bgakatsetseka namafuta neɀinonhuwira ɀiri’po, muprista agoɀipisa paartari, ciʋe cokuraŋgaridza cipo ico, cipiriso cakaitwa nomŋoto, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova. Ɀakasara pacipiriso coʋupfu ɀicaʋa ɀaAroni naʋanakomana ʋake; ico cinhu citȿene‐tȿene pakati peɀipiriso ɀaJehova ɀakaitwa nomŋoto. Kana uciʋuya necipo coʋupfu cakaɓikwa mucoto, ŋgaciʋe ceɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa ɀoʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, neɀiŋgwa ɀitete ɀisina‐kuʋiriswa ɀakazodzwa mafuta. Kana cipo cako ciri cipiriso coʋupfu cakaɓikwa mugaŋgo, ŋgaciʋe coʋupfu bgakatsetseka, bgusina‐kuʋiriswa, bgakakanyiwa namafuta. Unofanira kucimeɗura, nokuɗira mafuta pamsoro paco; ndico cipiriso coʋupfu. Kana cipo cako ciri cipiriso coʋupfu cakaɓikwa muhari, ŋgaciitwe noʋupfu bgakatsetseka namafuta. Unofanira kuʋuya kunaJehova necipiriso coʋupfu cakaitwa neɀinhu iɀi; ŋgacipiwe muprista, iye agociisa paartari. Ɀino muprista ŋgaatsamure pacipiriso coʋupfu cokuraŋgaridza caco, acipisire pamsoro peartari; ico cipiriso cinoitwa nomŋoto, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova. Ɀakasara pacipiriso coʋupfu ŋgaɀiʋe ɀaAroni naʋanakomana ʋake; ico cinhu citȿene‐tȿene pakati peɀipiriso ɀaJehova ɀinoitwa nomŋoto.
Revhitiko 2:1-10 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana munhu achida kupa kuna Tenzi chipo chembesanwa, mupiro wake ngauve upfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa, ngaahudirewo mafuta ahumwaye rusenzi pamusoro, aunze izvozvo kuna vapristi vemhuri yokwaAroni. Ngaanokore chanza chizere choupfu hwekoroni huna mafuta norusenzi rwaho hwose. Mupristi ngaapisire tsama iyoyo paatari ive chirango chokupirwa kwaitwa upfu ihwohwo hwose kuna Tenzi, mupiro unoitwa zvokupisia, unonhuhwirira zvinofadza. Zvinenge zvasara pamupiro wembesanwa ndezvaAroni navanakomana vake, ichi chikamu chinoera kwazvo chomupiro wokupisa unopirwa kuna Tenzi. Kana uchinge uchiunza mupiro wembesanwa wechingwa chakabikwa muovhoni, ngachive chisina mbiriso, chakabikwa noupfu hwakanyatsokuyiwa, chakakanyiwa namafuta kana kuti chingwa chakati fatata chisinawo mbiriso chakazorwa mafuta. Kana mupiro wako wembesanwa uri wechingwa chakabikwa chichiita zvokubikwa mupani, ngachive choupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa, chisina mbiriso, chakakanyiwa nemafuta. Chimedure-medure uchidire mafuta, iwoyu mupiro wembesanwa. Kana mupiro wako wembesanwa uri wechingwa chakabikirwa mupani, ngachibikwe noupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hwakakanyiwa namafuta. Uya nomupiro wembesanwa wakagadzirwa nezvinhu izvozvi kuna Tenzi, uzvipe mupristi auye nazvo kuatari. Mupristi ngaanokore tsama yechirango youpfu ihwohwo hwose hwemupiro wembesanwa apise paatari, mupiro unoitwa zvokupisa, unonhuhwirira zvinofadza Tenzi. Zvinosara pamupiro iwoyo ndezva Aroni navanakomana vake, ichi chikamu chinoera kwazvo chomupiro wokupisa kuna Tenzi.
Revhitiko 2:1-10 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)