Logo yeApp yeBhaibheri
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 14:6-12 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mateo 14:6-12 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Asi zuva rokupemberera kuberekwa kwaHerodhi rakati rasvika, mwanasikana waHerodhiasi akatamba pamberi pavo uye zvikafadza Herodhi kwazvo, zvokuti akamuvimbisa nemhiko kuti aizomupa chipi nechipi chaaizokumbira. Arayirwa namai vake mwanasikana akati, “Ndipei pano musoro waJohani Mubhabhatidzi uri mundiro.” Mambo akasuwiswa nazvo, asi nokuda kwemhiko yake uye navaainge agere navo pakudya, akarayira kuti upiwe kwaari, ndokutuma vanhu kundogura musoro waJohani mutorongo. Uye musoro wake wakauyiwa nawo uri mundiro ukapiwa kumusikana, iye akaenda nawo kuna mai vake. Vadzidzi vaJohani vakauya vakatora mutumbi wake vakandouviga. Vakazoenda vakandoudza Jesu.

Pakurirana nevamwe
Mateo 14 BDSC

Mateo 14:6-12 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Asi zuva rokupemberera kuberekwa kwaHerodhi rakati rasvika, mukunda waHerodhiasi akatamba pamberi pavo, akafadza Herodhi. Naizvozvo wakamupikira nemhiko kuti, “Ndichamupa chipi nechipi chaanenge achakumbira.” Zvino iye, akati arayirwa namai vake, akati, “Ndipei pano mundiro musoro waJohani Mubhabhatidzi.” Mambo akazvidya mwoyo, asi nokuda kwokupika kwake, uye nokuda kwavakanga vagere pakudya, akaraira kuti apiwe. Akatuma vanhu kundogura musoro waJohani mutorongo. Vakauya nomusoro wake uri mundiro, musikana akaupiwa; iye akaenda nawo kunamai vake. Vadzidzi vake vakauya vakatora chitunha chake, vakachiviga; ndokuenda kundoudza Jesu.

Pakurirana nevamwe
Mateo 14 SNA2002

Mateo 14:6-12 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Asi zuʋa rokuɓerekwa kwaHerode rakati raȿika, mukunda waHerodiasi akatamba pakati paʋo, akafadza Herode. Naiɀoɀo wakamupikira nemhiko kuti ucamupa cinhu cipi necipi caaneŋge acakumbira. Ɀino iye, wakati arairwa namai ʋake, akati: Ndipei pano mundiro musoro waJohane Mubapatidzi. Mambo akaɀidya mŋoyo, asi nokuɗa kwokupika kwake, ʋuye nokuɗa kwaʋakaŋga ʋagere pakudya, akaraira kuti apiwe. Akatuma murwi kundogura musoro waJohane mutoroŋgo. Ʋakaʋuya nomusoro wake uri mundiro, musikana akapiwa; iye akaenda nawo kunamai ʋake. Ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya ʋakatora mutumbu, ʋakauʋiga; ndokuenda kundoʋudza Jesu.

Pakurirana nevamwe
Mateo 14 SUB1949

Mateo 14:6-12 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Asi pakasvika zuva rokupemberera kuberekwa kwaHerodhi, mukunda waHerodhiasi akatamba pamberi pechikwata chose chavanhu akafadza Herodhi zvokuti akatsidza nemhiko kumupa chose zvacho chaangakumbire. Asokwa mashoko naamai vake akati, “Ndipei, musoro waJohani Muombeki mudhishi iye zvino.” Mambo zvakamutambudza mwoyo asi nokuda kwemhiko dzake uye pamusanawo pavaenzi vake akati ngaapiwe. Akatuma munhu kuti andodimura musoro waJohani mujeri. Musoro wake wakaunzwa uri mudhishi ukapiwa kumusikana. Iyewo akaenda nawo kuna amai vake. Vadzidzi vaJohani vakauya vakatora chitunha ichocho vakachiviga. Vakaenda vakandotaurira Jesu.

Pakurirana nevamwe
Mateo 14 SCLB

Mateo 14:6-12 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mateo 14 SCLBD