Logo yeApp yeBhaibheri
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 26:40-41 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mateo 26:40-41 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ipapo akadzokera kuvadzidzi vake akavawana vavata. Akabvunza Petro achiti, “Varume, matadza kurinda neni kweawa imwe chete? Rindai uye munyengetere kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda, asi muviri wakaneta.”

Pakurirana nevamwe
Mateo 26 BDSC

Mateo 26:40-41 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Akaenda kuvadzidzi, akavawana vavata; akati kuna Petirosi, “Makanga musingagoni seiko kurinda neni awa imwechete? Rindai, munyengetere, kuti murege kupinda mukuedzwa; mweya unoda hawo, asi nyama haina simba.”

Pakurirana nevamwe
Mateo 26 SNA2002

Mateo 26:40-41 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Akaenda kuʋadzidzi, akaʋawana ʋaʋata; akati kunaPetro: Makaŋga musiŋgagoni seiko kurinda neni ŋguʋa imŋe cete? Rindai, munyeŋgetere, kuti murege kupinda mukuidzwa; mŋeya unoɗa hawo, asi nyama hainesimba.

Pakurirana nevamwe
Mateo 26 SUB1949

Mateo 26:40-41 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Akadzokera kuna vadzidzi akavawana vatokotsira. Jesu akati kuna Pita, “Saka matadzaka imi kurindira neni kweawa imwechete? Rindirai munamate kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda zvawo asi nyama yaneta.”

Pakurirana nevamwe
Mateo 26 SCLB

Mateo 26:40-41 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Akadzokera kuna vadzidzi akavawana vatokotsira. Jesu akati kuna Pita, “Saka matadzaka imi kurindira neni kweawa imwechete? Rindirai munamate kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda zvawo asi nyama yaneta.”

Pakurirana nevamwe
Mateo 26 SCLBD