Mateo 6:20-22 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 6:20-22 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi zviunganidzirei pfuma kudenga uko kusina zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye kusina mbavha dzinopaza dzichiba. Nokuti apo pane pfuma yako ndipo pane mwoyo wakowo. “Ziso ndiwo mwenje womuviri. Kana maziso ako akanaka, muviri wako wose uchava nechiedza.
Mateo 6:20-22 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi muzviunganidzire pfuma kudenga, pasina zvipfunho nengura zvinopedza, pasina mbavha dzinopaza dzichiba. “Nokuti pane pfuma yako, nomwoyo wako uchavapowo. Mwenje womuviri iziso; zvino kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa.
Mateo 6:20-22 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Asi muɀiʋuŋganidzire fuma kuɗeŋga, pasineɀipfunho neŋgura ɀinopedza, pasinembava dzinopaza dziciɓa. Nokuti panefuma yako, nomŋoyo wako ucaʋa’po ʋo. Mŋenje womuʋiri iziso; ɀino kana ziso rako rakanaka, muʋiri wako wose ucavenekerwa.
Mateo 6:20-22 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi zviunganidzirei upfumi kudenga, kusina chipfukuto kana ngura inohudya, kusingapazwi nembavha dzichiba, nokuti pano upfumi hwako ndipo pano mwoyo wakowo. “Ziso ndiro mwenje womuviri. Nezvo kana ziso rako rakanaka muviri wako wose uchazara nechiedza.
Mateo 6:20-22 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)