VaRoma 5:8-10 - Enzanisa Shanduro Dzose
VaRoma 5:8-10 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira. Zvino sezvo takaruramisirwa neropa rake, tichaponeswa zvikuru sei naye kubva pakutsamwa kwaMwari! Nokuti kana, patakanga tiri vavengi vaMwari, takayananiswa naye kubudikidza norufu rwoMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei kubudikidza norufu rwoMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei kubudikidza noupenyu hwake, kana tayananiswa!
VaRoma 5:8-10 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti Kristu akatifira, tichiri vatadzi. Zvino, zvatakaruramiswa muropa rake, tichaponeswa zvikuru sei naye pakutsamwa. Nokuti zvatakayananiswa naMwari nokufa kwoMwanakomana wake, tichiri vavengi vake, zvikuru tichaponeswa kana tayananiswa noupenyu hwake
VaRoma 5:8-10 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Asi Mŋari unoratidza ruɗo rwake kwatiri pakuti Kristu wakatifira, ticiri ʋatadzi. Ɀino, ɀatakaruramiswa muropa rake, ticaponeswa ɀikuru sei naye pakutsamŋa. Nokuti ɀatakayananiswa naMŋari nokufa kwoMŋanakomana wake, ticiri ʋaʋeŋgi ʋake, ɀikuru ticaponeswa kana tayananiswa noʋupenyu bgake
VaRoma 5:8-10 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Mwari akaratidza kuti anotida nokuti Kristu akatifira tichiri vatadzi. Zvino zvatakaruramiswa neropa rake tichanunurwa zvikuru sei kuchirango chaMwari. Saizvozvowo kana taive mhandu, takawadzana naMwari pamusana porufu rwaMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei noupenyu hwake zvino patakawadzana naye kudai.
VaRoma 5:8-10 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)