VaRoma 8:31-33 - Enzanisa Shanduro Dzose
VaRoma 8:31-33 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino tichatiiko pazvinhu izvi? Kana Mwari ari kurutivi rwedu, ndiani angatirwisa? Iye asina kuramba noMwanakomana wake, asi akamupa chose nokuda kwedu tose, angarega seiko kutipawo zvose, pamwe chete naye? Ndianiko achapa mhosva avo vakasarudzwa naMwari? Mwari ndiye anoruramisira.
VaRoma 8:31-33 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino tichatiiko pazvinhu izvi? Kana Mwari achitirwira, ndianiko achatirwisa? Iye asina kuramba kunyange noMwanakomana wake, asi akamupa chose nokuda kwedu tose, angarega seiko kutipawo zvose pamwechete naye? Ndianiko achakwirira vasanangurwa vaMwari? Mwari ndiye anoruramisa.
VaRoma 8:31-33 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino ticatiyiko paɀinhu iɀi? Kana Mŋari acitirwira, ndianiko ucatirwisa? Iye usina‐kuramba kunyaŋge noMŋanakomana wake, asi wakamupa cose nokuɗa kweɗu tose, uŋgarega seiko kutipa ʋo ɀose pamŋe cete naye? Ndianiko ucakwirira ʋasanaŋgurwa ʋaMŋari? Mŋari ndiye unoruramisa
VaRoma 8:31-33 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ko zvino totiiko nezvakadai izvi. Ko Mwari zvaari kudivi kwedu, ndiani angatirwise iye asina kuramba noMwanakomana wake waakatopirira isu tose. Haazotipawo here zvinhu zvose pamwechete naye. Zvino ndiani angape mhosva vasarudzwi vaMwari, Mwari zvaari iye anoruramisa.
VaRoma 8:31-33 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)