Hudzva pakutenda
Chiwanikwa: Donzo redzidziso dzaKristu
Ko tingararama sei? Uyu mubvunzo wabvunzwa nevaKristu kwemazana emakore, zvekare uri umwe yeinopindurwa naJesu mudzidziso dzaanopa kuvadzidzi vake. Muchidzidzo chino, unotevera ndima gumi nenhatu dzakakosha matinowana mashoko aJesu kubva kunyaya dzerubhabhatidzo, wanano, kushushikana, zvekare dzevarume nemadzimai. Inzwa dzidziso dzaJesu maringe nezviga zviri panhongonya yechitendero chechikristu.
Chiwanikwa: Mbiru dzezvokwadi dzemuTestamende Itsva
Pakupupura Kristu saIshe, hupenyu hwedu hunovandudzwa nekusingapere - heuno mubvunzo; rutendo urwu tingarudiridzira nenzira ipi? Kubvira kumavambo ekereke yekutanga zvichenda mberi, vatenderi vane hwanzvo hwetsika dzomweya nembiru dzechokwadi dzavanobatirira padziri. Muchidzidzo chino, unotevedza ndima gumi nenhatu dzinogovera tsindidzo dzehupenyu semuteveri waJesu. Zviwanire hwaro hwakasimba hwechitendero mudzidziso dzaKristu, pamwe nedzevaapostora vake.
Sarudzo Yakakurisisa yeHupenyu Hwako!
Sarudzo zhinji dzatinoita muhupenyu dzakakosha. Asi, pane sarudzo imwe chete yakakosha kudarika dzimwe dzose. Kana uri kutsvaga mufambiro uri nyore unokusvitsa pakunzwisisa kuzere kwesarudzo yakakoshesesa iyi - chipo chekuponeswa pamweya chatakapuhwa pasina muripo naMwari - chibva wangotangira ipo pano. Kubva mubhuku rinonzi “Out of this World: A Christian’s Guide to Growth and Purpose” rakanyora naDavid J. Swandt.
Chiwanikwa: Rudo naMwari, Rudo nevamwe
Achipindura mubvunzo wekuti murairo mukuru pamirairo yese ndeupi, Jesu haakakame - Ida Jehovha Mwari wako, zvekare ude muvakidzani wako sekuda kwaunozviita iwe. Irairo yakareruka, asi rudo rwakadaro runoreva kuti chii mumagariro ezuva rimwe narimwe? Muchidzidzo chino, unotevera ndima gumi nenhatu dzakakosha dzinovhendenyura mwongo werutendo rwedu. Zviwanire nduramo izere nemoyo pachifuva cherudo runogumbatira rwaJesu.
Chiwanikwa: Nhoroondo yaMwari kubva kumavambo kusvika panaKristu
Bhaibheri irondedzero yaMwari maererano nemarudzi evanhu - Asi mumabhuku makumi matanhatu nematanhatu, nemazwi akawanda evatauri munguva dzakasiyana, hazvisi nyore kukuvanidza nyaya iyi kuva chinhu chimwe. Mwari vari kumboti kudini? Muchidzidzo chiri pano uchatevera ndima dzakakosha gumi nenhatu kubvira pakusikwa kwazvose dzamara kuna Kristu, tichivhendenyura rudingindira rwenhoroondo dzemubhaibheri. Waranura kudonha kwakaita rudzi rwemunhu, nekuvarira kwaMwari kudzosa kuyanana.