Chapa ya Youversion
Ikoni ya Utafutaji

Genesi 11

11
Rusvingo rweBhabheri
1Nyika yose yakanga ino rurimi rumwe nokutaura kumwe. 2Zvino vakati vachitamira mabvazuva, vakawana bani munyika yeShinari, vakagarako. 3Vakataurirana, vachiti, “Uyai, ngatiite zvidhina, tizvipise kwazvo.” Zvidhina zvakava mabwe avo, nebitumini rakava dope ravo. 4Vakati, “Uyai, ngatizvivakire guta, norusvingo, runomusoro unosvikira kudenga; tizvimutsire mukurumbira, kuti tirege kupararira panyika yose.”
5Ipapo Jehovha wakaburuka kuzotarira guta norusvingo, rwakanga ruchivakwa navanakomana vavanhu. 6Jehovha akati, “Tarirai, vanhu ava ndivamwe, vanorurimi rumwe vose; zvino ndizvo zvavanotanga kuita; zvino hakuchina chinhu chavangada kuita chavangadziviswa. 7Hendei, tiburuke, tinopesanisa rurimi rwavo ipapo, kuti varege kunzwana kana votaurirana.” 8Jehovha akavaparadzira ipapo, vakapararira panyika yose, vakarega kuvaka guta ravo. 9Naizvozvo vakaritumidza Bhabheri, nokuti ipapo Jehovha wakapesanisa rurimi rwenyika yose; Jehovha akavaparadzira ipapo, vakaenda kunyika dzose.
Vanakomana vaShemu
10Ndiwo marudzi aShemu. Shemu wakanga ana makore ane zana, akabereka Aripakishadhi, mvura zhinji yapfuura makore maviri; 11wakati abereka Aripakishadhi, Shemu akagara makore ana mazana mashanu; akabereka vanakomana navanasikana.
12Aripakishadhi wakagara makore ana makumi matatu namashanu, akabereka Shera; 13wakati abereka Shera, Aripakishadhi akagara makore ana mazana mana namatatu, akabereka vanakomana navanasikana.
14Shera wakagara makore ana makumi matatu, akabereka Ebheru. 15Wakati abereka Ebheru, Shera akagara makore ana mazana mana namatatu; akabereka vanakomana navanasikana.
16Ebheru wakagara makore ana makumi matatu namana, akabereka Peregi, 17wakati abereka Peregi, Ebheru akagara makore ana mazana mana namakumi matatu, akabereka vanakomana navanasikana.
18Peregi wakagara makore ana makumi matatu, akabereka Rehu; 19wakati abereka Rehu, Peregi akagara makore ana mazana maviri namapfumbamwe, akabereka vanakomana navanasikana.
20Rehu wakagara makore ana makumi matatu namaviri, akabereka Serugu; 21wakati abereka Serugu, Rehu akagara makore ana mazana maviri namanomwe; akabereka vanakomana navanasikana.
22Serugu wakagara makore ana makumi matatu, akabereka Nahori; 23wakati abereka Nahori, Serugu akagara makore ana mazana maviri, akabereka vanakomana navanasikana.
24Nahori wakagara makore ana makumi maviri namapfumbamwe, akabereka Tera; 25Nahori akagara makore ane zana negumi namapfumbamwe, akabereka vanakomana navanasikana.
26Tera wakagara makore ana makumi manomwe, akabereka Abhuramu naNahori, naHarani.
27Ndiwo marudzi aTera; Tera wakabereka Abhuramu, naNahori, naHarani; Harani akabereka Roti; 28Harani akafa, baba vake Tera vachiri vapenyu, panyika yokuberekwa kwake, paUri yavaKaradhea. 29Abhuramu naNahori vakazviwanira vakadzi; zita romukadzi waAbhuramu rainzi Sarai; zita romukadzi waNahori rainzi Mirika, mukunda waHarani, baba vaMirika, nababa vaIsika. 30Sarai wakanga asingabereki, wakanga asina mwana. 31Zvino Tera wakatora mwanakomana wake Abhuramu, naRoti, mwanakomana waHarani, mwanakomana womwanakomana wake, naSarai, mukadzi womwanakomana wake Abhuramu; vakatama navo vakabva Uri yavaKaradhea, kuti vaende kunyika yeKenani, vakasvika Harani, vakagarapo. 32Mazuva aTera akanga ari makore ana mazana maviri namashanu; Tera akafira Harani.

Iliyochaguliwa sasa

Genesi 11: SNA2002

Kuonyesha

Shirikisha

Nakili

None

Je, ungependa vivutio vyako vihifadhiwe kwenye vifaa vyako vyote? Jisajili au ingia