1
Johani 6:35
Shona BIBLE
Jesu akati kwavari, “Ndini chingwa choupenyu; anouya kwandiri, haangatongovi nenzara, noanotenda kwandiri haangatongovi nenyota.
ஒப்பீடு
Johani 6:35 ஆராயுங்கள்
2
Johani 6:63
Mweya ndiye anoraramisa, nyama haina maturo; mashoko andakataura kwamuri, ndiwo mweya noupenyu.
Johani 6:63 ஆராயுங்கள்
3
Johani 6:27
Musabatira basa kutsvaka zvokudya zvinopera, asi batirai basa kuti muwane zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi, zvamuchapiwa naMwanakomana womunhu; nokuti Baba, Mwari, vakaisa chisimbiso kwaari.”
Johani 6:27 ஆராயுங்கள்
4
Johani 6:40
Nokuti kuda kwababa vangu ndiko, kuti mumwe nomumwe, anotarira Mwanakomana, nokutenda kwaari, ave noupenyu husingaperi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.”
Johani 6:40 ஆராயுங்கள்
5
Johani 6:29
Jesu akapindura, akati kwavari, “Basa raMwari ndiro, kuti mutende kuna iye waakatuma.”
Johani 6:29 ஆராயுங்கள்
6
Johani 6:37
“Zvose Baba zvavanondipa zvichauya kwandiri; noanouya kwandiri, handingatongomurasiri kunze.
Johani 6:37 ஆராயுங்கள்
7
Johani 6:68
Simoni Petirosi akamupindura, akati, “Ishe, tichagoenda kuna aniko? Ndimi muna mashoko oupenyu husingaperi.
Johani 6:68 ஆராயுங்கள்
8
Johani 6:51
Ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kudenga; kana munhu achidya chingwa ichi, achararama nokusingaperi; chingwa chandichapa, inyama yangu, yandinopira upenyu hwapasi.”
Johani 6:51 ஆராயுங்கள்
9
Johani 6:44
“Hakuna munhu angauya kwandiri, kana Baba, vakandituma, vasingamukwevi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.
Johani 6:44 ஆராயுங்கள்
10
Johani 6:33
Nokuti chingwa chaMwari ndicho chinoburuka kudenga, chinopa pasi upenyu.”
Johani 6:33 ஆராயுங்கள்
11
Johani 6:48
Ndini chingwa choupenyu.
Johani 6:48 ஆராயுங்கள்
12
Johani 6:11-12
Zvino Jesu akatora zvingwa; akavonga, akazvipa vakanga vagere pasi; nehovewo saizvozvo pavaida napo. Zvino vakati vaguta, akati kuvadzidzi vake, “Unganidzai zvimedu zvakasara, kuti zvirege kurasika.”
Johani 6:11-12 ஆராயுங்கள்
13
Johani 6:19-20
Zvino vakati vakwasva zvikuru masitadhia anenge makumi maviri namashanu, kana makumi matatu, vakaona Jesu achifamba pamusoro pemvura, achiswedera pedyo negwa; vakatya. Asi iye akati kwavari, “Ndini, musatya.”
Johani 6:19-20 ஆராயுங்கள்
முகப்பு
வேதாகமம்
வாசிப்புத் திட்டங்கள்
காணொளிகள்