1
Ruka 23:34
Shona Bible 1949, revised 2002
Ipapo Jesu akati, “Baba, muvakanganwire, nokuti havazivi chavanoita.” Vakagovana nguo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo.
Karşılaştır
Ruka 23:34 keşfedin
2
Ruka 23:43
Iye akati kwaari, “Zvirokwazvo, nhasi uchava neni muParadhiso.”
Ruka 23:43 keşfedin
3
Ruka 23:42
Ipapo akati, “Jesu mundirangarire, kana mosvika muushe hwenyu!”
Ruka 23:42 keşfedin
4
Ruka 23:46
Zvino Jesu akadana nezwi guru, achiti, “Baba, ndinoisa mweya wangu pamaoko enyu!” Akati areva izvozvo, akabudisa mweya wake.
Ruka 23:46 keşfedin
5
Ruka 23:33
Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi, “Dehenya,” vakamuroverapo navatadzi, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe.
Ruka 23:33 keşfedin
6
Ruka 23:44-45
Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu; rima rikavapo panyika yose, kusvikira panguva yepfumbamwe. Zuva rikasviba; chidzitiro chetemberi chikabvaruka napakati.
Ruka 23:44-45 keşfedin
7
Ruka 23:47
Ipapo mukuru wezana akati aona zvaitwa, akarumbidza Mwari achiti, “Zvirokwazvo, munhu uyu akanga akarurama.”
Ruka 23:47 keşfedin
Ana Sayfa
Kutsal Kitap
Okuma Planları
Videolar