1
Mavambo 11:6-7
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Tenzi akati, “Onai vanhu ava vose vanongova rudzi rwumwechete uye vose vanotaura mutauro mumwechete. Idzi imviromviro chete dzezvavachaita. Hakuna chichavatadzisa kuita chinhu chose chose chavanofunga kuita. Ngatiburukei tindopesanisa mutauro wavo vagorega kunzwana pakutaura.”
So sánh
Khám phá Mavambo 11:6-7
2
Mavambo 11:4
Vakazoti, “Ngatizvivakirei guta rine nhungamakore yeshongwe, tiite zita rino mukurumbira, tirege kungopararira nenyika.”
Khám phá Mavambo 11:4
3
Mavambo 11:9
Saka zita reguta iroro rakanzi Bhabheri nokuti Tenzi akapesanisa mutauro wapasi pose. Tenzi akavaparadzanisa vakapararira nenyika, pasi pose.
Khám phá Mavambo 11:9
4
Mavambo 11:1
Pasi chigare, vanhu vose vaingotaura mutauro mumwechete, vaine mazwi mamwechetewo.
Khám phá Mavambo 11:1
5
Mavambo 11:5
Tenzi akaburuka kudenga kuzoona guta neshongwe zvakanga zvavakwa navanhu.
Khám phá Mavambo 11:5
6
Mavambo 11:8
Tenzi akavaparadzanisa vakapararira nenyika yose, vakabva varega kuvaka guta riya.
Khám phá Mavambo 11:8
Trang chủ
Kinh Thánh
Kế hoạch
Video