1
Genesisi 11:6-7
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Jehovha akati, “Kana vanhu ava vava somunhu mumwe, vachitaura rurimi rumwe chete, vakatanga kuita izvi, zvino hapana chinhu chavanoronga kuti vachiite chichavaomera. Uyai, ngatiburukei tindovapesanisa mutauro wavo kuti varege kunzwisisana.”
Thelekisa
Phonononga Genesisi 11:6-7
2
Genesisi 11:4
Ipapo vakati, “Uyai, ngatizvivakirei guta neshongwe inosvika kudengadenga, kuti tizviitire mukurumbira uye kuti tirege kupararira panyika yose.”
Phonononga Genesisi 11:4
3
Genesisi 11:9
Ndokusaka nzvimbo iyo yakanzi Bhabheri, nokuti ipapo Jehovha akapesanisa mutauro wenyika yose. Kubva ipapo Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose.
Phonononga Genesisi 11:9
4
Genesisi 11:1
Zvino nyika yose yakanga ino rurimi rumwe chete nokutaura kwakafanana.
Phonononga Genesisi 11:1
5
Genesisi 11:5
Asi Jehovha akaburuka pasi kuti azoona guta neshongwe yakanga ichivakwa navanhu.
Phonononga Genesisi 11:5
6
Genesisi 11:8
Saka Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose ipapo, uye vakarega kuvaka guta.
Phonononga Genesisi 11:8
Ekuqaleni
IBhayibhile
Izicwangciso
Iividiyo