Ruka 24
24
Kumuk a kwaJesu.
(Mat 28:1–6; Mar 16:1–8; Joh 20:1–17)
1Nomusi wokutaŋga weviki, mambakwedza, ʋakaʋuya kubgiro, ʋakaɓata ɀinonhuwira, ɀaʋakaŋga ʋagadzira. 2Ʋakawana ibge rakuŋguruswa, rabʋiswa pabgiro, 3ʋakapinda, ʋakashaiwa mutumbu waShe Jesu. 4Ɀino ʋakati ʋacakaŋganiswa naɀo, tarira, ʋarume ʋaʋiri ʋakamira naʋo ʋaneŋguʋo dzinopenya; 5ɀino nokutya kwaʋo ʋakakotamira pasi neɀiso ɀaʋo, iʋo ʋakati kwaʋari: Munotȿakireiko mupenyu pakati paʋakafa? 6Haa’po pano, wamuka. Fuŋgai ɀaakakuʋudzai aciri Garirea, 7kuti Mŋanakomana womunhu unofanira kuiswa mumaʋoko aʋanhu ʋakaipa, aroʋerwe pamucinjikwa, agomuka nezuʋa retatu. 8Ipapo ʋakaraŋgarira mashoko ake, 9ʋakadzoka ʋacibva kubgiro, ʋakaʋudza ʋanegumi nomumŋe naʋamŋe ʋose ɀinhu iɀoɀo ɀose. 10Ʋaiʋa Maria Magdarene naJohana naMaria, mai ʋaJakobo, naʋamŋe ʋakadzi ʋaiʋa naʋo, ʋakandoʋudza ʋaapostora iɀoɀo. 11Mashoko awa akaita sooʋupenzi kwaʋari; ʋakasaatenda. 12Ɀino Petro akasimuka, akamhanyira kubgiro; akakotama, akaʋona miceka iri yoga; ndokudzoka kumba kwake, ashamiswa neɀakaŋga ɀaitwa.
Jesu unosoŋgana naʋaʋiri ʋanoenda Emausi.
13Pazuʋa irero ʋamŋe ʋaʋiri ʋaʋo ʋakaŋga ʋacienda kumusha wainzi Emausi, wakaŋga uri kure neJerusarema mastadia anamakumi matanhatu;#24:13 Maira dzineŋge nomŋe. 14ʋakaŋga ʋacitaurirana pamsoro peɀinhu ɀose ɀakaŋga ɀaitika. 15Ɀino ʋakati ʋacataurirana nokubvunzana, Jesu amene akasweɗera, akafamba naʋo. 16Asi meso aʋo akaŋga aɓatwa, ʋakasamuziʋa. 17Akati kwaʋari: Mashoko amunotaurirana pamsoro pawo mucifamba, ndeeiko? Ʋakamira ʋaneshuŋgu pamŋoyo. 18Mumŋe waʋo, wainzi Kreopasi, akapindura, akati kwaari: Ko ndiwe woga ugere muJerusarema somutorwa, usiŋgaziʋi ɀakaitwa’mo mazuʋa ano here? 19Akati kwaʋari: Ɀinyiko? Ʋakati kwaari: ⱿaJesu weNazareta, waiʋa muprofita unesimba paɓasa napashoko pamberi paMŋari napaʋanhu ʋose; 20ʋuye kuti ʋaprista ʋakuru naʋaɓati ʋeɗu ʋakamuisa kuʋatoŋgi kuti atoŋgerwe rufu, ʋakamuroʋera pamucinjikwa. 21Takaŋga ticiti ndiye waizodzikinura ʋaIsraeri; ʋuye pamsoro paiɀoɀo ɀose, nhasi raʋa zuʋa retatu kubva pakuitwa kwaɀo. 22Ʋuye ɀe, ʋamŋe ʋakadzi ʋokweɗu, ʋakaŋga ʋafumira kubgiro, ʋakatishamisa; 23nokuti ʋakati ʋacishaiwa muʋiri wake, ʋakaʋuya ʋaciti, ʋaʋona ciratidzo caʋatumŋa ʋaiti mupenyu. 24Ɀino ʋamŋe ʋaiʋa nesu, ʋakaenda kubgiro, ʋakandoɀiwana seɀaʋakareʋa ʋakadzi; asi iye haʋana‐kumuʋona. 25Ɀino iye akati kwaʋari: Imi ʋokusafuŋga, munemŋoyo inononoka kutenda ɀose ɀakarebga naʋaprofita! 26Ko Kristu wakaŋga asiŋgafaniri kutambudzika saiɀoɀo, agopinda pakubginya kwake here? 27Ipapo akataŋga kunaMosesi naʋaprofita ʋose, akaʋaɗudzira ɀakanyorwa pamsoro pake muMagwaro ose. 28Ɀino ʋakasweɗera kumusha kwaʋakaŋga ʋacienda; iye akaita sowoɗa kupfuʋura. 29Ʋakamugombedzera, ʋaciti: Garai nesu, nokuti aʋa maɗekwana, zuʋa raʋira. Ipapo akapinda kundogara naʋo. 30Ɀino wakati agara naʋo pakudya, akatora ciŋgwa, akaciropafadza, akacimeɗura, ndokuʋapa. 31Ipapo meso aʋo akaȿinudzwa, ʋakamuziʋa; akanyaŋgarika kwaʋari. 32Ʋakataurirana, ʋaciti: Ko mŋoyo yeɗu yakaŋga isiŋgapisi mukati meɗu, acitaura nesu munzira, nokutizarurira Magwaro here? 33Ʋakasimuka neŋguʋa iyo, ʋakadzokera Jerusarema, ʋakawana ʋanegumi nomumŋe naʋaiʋa naʋo ʋakaʋuŋgana. 34Iʋo ʋakati: Ishe wamuka ɀirokwaɀo; waʋonekwa naSimoni. 35Ʋakarondedzera ɀakaitika munzira, ʋuye kuti wakazikanwa naʋo sei pakumeɗura ciŋgwa.
36Ʋakati ʋacataura iɀoɀo, akamira pakati paʋo amene, akati kwaʋari: Rugare ŋgaruʋe nemi! 37Asi ʋakavunduka, ʋakatya kwaɀo, ʋakati ɀimŋe ʋaʋona mŋeya. 38Akati kwaʋari: Munomanikidzwa neiko? Mifuŋgo inomukireiko mumŋoyo yenyu? 39Tarirai ɀanza ɀaŋgu netsoka dzaŋgu, kuti ndini ndimene. Ndiɓatei, muʋone, nokuti mŋeya haunenyama namafupa, seɀamunondiʋona ndinaɀo ini. 40Wakati areʋa iɀoɀo, akaʋaratidza ɀanza ɀake netsoka dzake. 41Ɀino ʋakati ʋacigere kutenda nokufara kwaʋo, ʋacashamiswa, akati kwaʋari: Muneɀokudya pano here? 42Ʋakamupa nhindi yehoʋe yakagocwa. 43Akatora, akadya ʋaciɀiʋona.
44Akati kwaʋari: Ndiwo mashoko aŋgu, andakakuʋudzai ndiciri nemi, kuti ɀose ɀakanyorwa pamsoro paŋgu pamurairo waMosesi, napaʋaprofita, napaMapisarema, ɀinofanira kuitika. 45Ipapo akadziʋura kuziʋa kwaʋo, kuti ʋanzwisise Magwaro. 46Akati kwaʋari: Ndiɀo ɀakanyorwa, kuti Kristu ucatambudzika, agomuka kuʋakafa nezuʋa retatu; 47kuti marudzi ose aparidzirwe nezita rake kutendeʋuka nokukaŋganwirwa ɀiʋi, ʋacitaŋga paJerusarema. 48Imi muri ɀapupu ɀeɀinhu iɀi. 49Tarirai, ndinotuma pamsoro penyu cipikirwa caƂaɓa ʋaŋgu; asi imi garai muguta, kuȿikira mafukidzwa nesimba rinobva kumsoro.
Kukwira kwaJesu.
(Mar 16:19, 20; Maɓasa 1:9–11)
50Ɀino akaʋatuŋgamirira kunze kweguta kuȿikira pakatarisana neBetania, ndokutambanudza maʋoko ake, akaʋaropafadza. 51Wakati acaʋaropafadza, akaparadzana naʋo, akakwidzwa kuɗeŋga. 52Ipapo ʋakamunamata, ʋakadzokera Jerusarema ʋanomufaro mukuru. 53Ʋakarambira mutembere, ʋacirumbidza Mŋari.
Currently Selected:
Ruka 24: SUB1949
ማድመቅ
Share
Copy
ያደመቋቸው ምንባቦች በሁሉም መሣሪያዎችዎ ላይ እንዲቀመጡ ይፈልጋሉ? ይመዝገቡ ወይም ይግቡ
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018