Genesi 19
19
Kuparadzwa kweSodhomu neGomora
1Vatumwa vaviri vakasvika Sodhomu madekwana; Roti akanga agere pasuo reSodhomu; Roti akavaona, akasimuka, akaenda kundosangana navo, akakotamira pasi nechiso chake; 2akati, “Tarirai, madzishe angu, chidotsaukirai henyu kumba kwomuranda wenyu, muvate usiku hwose, mushambidze tsoka dzenyu, mugofumira parwendo rwenyu.” Ivo vakati, “Kwete tichavata hedu padare usiku hwose.”
3Akavanyengetera zvikuru; vakadzimara votsaukira kwaari, vakapinda mumba make; akavagadzirira chirayiro, akabika chingwa chisina mbiriso, vakadya; 4zvino vasati vavata, varume veguta, ivo varume veSodhomu, vakakomba imba, vaduku navakuru, vanhu vose vokumativi ose; 5vakadanidzira kuna Roti, vakati kwaari, “Vari kupiko varume vakapinda kumba kwako usiku huno? Vaburitsirei kwatiri, kuti tivazive.”
6Roti akabuda akaenda kwavari kumusuo, akazarira musuo shure kwake. 7Akati, “Regai henyu kuita zvakaipa zvakadai, hama dzangu. 8Tarirai, ndine vakunda vaviri vasina kumboziva murume, regai ndivabudisire kwamuri, muvaitire ivo sezvamunoda; asi varume ava, musavaitira chinhu, nokuti ndizvo zvavakapindira mumumvuri wedenga rangu.”
9Ivo vakati, “Suduruka!” Vakati, “Munhu uyu wakauya kuzogara pano ari mutorwa, iye zvino anoda kuva mutongi. Zvino tichakuitira zvakaipa iwe kupfuura ivo.” Vakamanikidza murume uyo Roti, vakaswedera kuputsa gonhi. 10Asi varume vakatambanudza maoko avo, vakakwevera Roti mumba mavakanga vari, vakapfiga gonhi. 11Vakapofomadza vakanga vari pamusuo, vaduku navakuru; vakazvinetsa vachitsvaka musuo. 12Varume vakati kuna Roti, “Une vamwe pano here? Kana mukuwasha, kana vanakomana vako, kana vanasikana vako, navose vaunavo muguta; uvabudise muno. 13Nokuti tava kuda kuparadza nzvimbo ino; nokuti kudanidzira kwavo kwava kukuru kuna Jehovha; Jehovha wakatituma kuiparadza.”
14Ipapo Roti akabuda, akandotaura navakuwasha vake, vakanga vachazowana vakunda vake, vakati, “Simukai, ibvai muno; nokuti Jehovha achaparadza guta rino.” Asi vakuwasha vake vakati, “Anoita hake musara.”
15Utonga huchitsvuka vatumwa vakakurumidzisa Roti vachiti, “Simuka, uende nomukadzi wako, navakunda vako vaviri vari pano, kuti urege kuparadzwa kana guta rorohwa.” 16Asi vakanonoka; varume vakabata ruoko rwake, noruoko rwomukadzi wake, namaoko avakunda vake vaviri; nokuti Jehovha wakanga ane tsitsi naye; vakamubudisa, vakamuisa kunze kweguta. 17Zvino vakati vavabudisa kunze, mumwe akati, “Tiza nokuda kwoupenyu hwako, usacheuka shure kwako, kana kumira pabani rose, tizira kugomo, kuti urege kuparadzwa.”
18Roti akati kwavari, “Kwete, ishe wangu, regai kudaro. 19Tarirai, muranda wenyu wakawana nyasha kwamuri, makurisa tsitsi dzenyu dzamakandiitira, zvamandiraramisa; asi handigoni kutizira kugomo, zvimwe zvakaipa zvingandiwira ndikafa. 20Tarirai, guta iri riri pedyo, nditizire hangu ikoko; iduku haro, nditenderei kuti nditizire ikoko, (harizi duku here?) Mweya wangu urarame.”
21Iye akati kwaari, “Tarira, ndakunzwira tsitsi pachinhu ichiwo, kuti handingaparadzi guta iri rawareva. 22Kurumidza, utizireko, nokuti handigoni kuita chinhu usati wasvikapo.” Naizvozvo zita reguta rakanzi Zoari. 23Zuva rakanga rabuda panyika, Roti achisvika paZoari. 24Ipapo Jehovha akanaisa pamusoro peSodhomu neGomora sarufa nomoto, zvichibva kudenga kuna Jehovha, 25akaparadza maguta iwayo, nebani rose, navose vakanga vagere mumaguta, nezvose zvakanga zvamera pavhu. 26Asi mukadzi wake wakacheuka ari shure kwake, akaitwa shongwe yomunyu.
27Zvino Abhurahamu wakamuka mangwanani, akaenda ikoko kwaakanga amire pamberi paJehovha; 28akatarira kurutivi rweSodhomu neGomora nokunyika yose yebani, akaona utsi hwenyika iyo huchikwira soutsi hwechoto.
29Zvino Mwari wakati achiparadza maguta ebani, Mwari akarangarira Abhurahamu, akabudisa Roti pakati pokuparadzwa ikoko, nguva yaakaparadza maguta makanga muchigara Roti.
30Zvino Roti wakakwira, achibva muZoari, akandogara mugomo, navakunda vake vaviri pamwechete naye; nokuti wakatya kugara muZoari; akagara, mubako, iye navakunda vake vaviri. 31Zvino dangwe rakati kumuduku, “Baba vedu vakwegura; hakuna murume panyika ino angapinda kwatiri nomutoo wenyika yose; 32uya, tinwise baba vedu waini, tivate navo, kuti tichengete rudzi nababa vedu.” 33Usiku ihwohwo vakanwisa baba vavo waini, wedangwe akapinda, akandovata nababa vake; ivo havana kuziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake.
34Fume mangwana wedangwe akati kumuduku, “Tarira, ndavata nababa vangu usiku hwanezuro; ngativanwise waini usiku hwunowo, iwe ugopinda, undovata navo, kuti tichengete rudzi nababa vedu.” 35Vakanwisa baba vavo waini usiku ihwohwowo, muduku akasimuka, akandovata navo; ivo havana kuziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake. 36Naizvozvo vakunda vaRoti vaviri vakava nemimba kuna baba vavo. 37Wedangwe akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Moabhu, kusvikira zuva ranhasi. 38Nomudukuwo wakabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Bheniami; ndivo baba vavana vaAmoni kusvikira zuva ranhasi.
Currently Selected:
Genesi 19: SNA2002
ማድመቅ
Share
Copy
ያደመቋቸው ምንባቦች በሁሉም መሣሪያዎችዎ ላይ እንዲቀመጡ ይፈልጋሉ? ይመዝገቡ ወይም ይግቡ
© Shona Union Version 2002