የYouVersion አርማ
የፍለጋ አዶ

Johani 3

3
Jesu naNikodhimo
1Kwaivapo mumwe wavaFarisi, ainzi Nikodhimo, mukuru wavaJudha. 2Iye akauya kwaari usiku, akati kwaari, “Rabhi, tinoziva kuti muri Mudzidzisi akabva kuna Mwari; nokuti hakuna munhu anogona kuita zviratidzo izvozvo zvamunoita, kana Mwari asiri naye.”
3Jesu akapindura, akati kwaari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana munhu asingaberekwi kutsva, haangaoni ushe hwaMwari.”
4Nikodhimo akati kwaari, “Munhu angagoberekwa seiko ava mukuru? Angapindazve mudumbu ramai vake rwechipiri, akaberekwa here?”
5Jesu akapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana munhu asingaberekwi nemvura noMweya, haangagoni kupinda muushe hwaMwari. 6Chakaberekwa nenyama inyama, chakaberekwa noMweya, mweya. 7Usashamiswa, nokuti ndakati kwauri, munofanira kuberekwa kutsva. 8Mhepo inovhuvhuta painoda napo, unonzwa izwi rayo, asi hauzivi painobva napainoenda; mumwe nomumwe akaberekwa naMweya akadaro.”
9Nikodhimo akapindura, akati kwaari, “Zvinhu izvi zvingagoitwa seiko?”
10Jesu akapindura, akati kwaari, “Iwe uri mudzidzisi wavaIsiraeri, haunzwisisi zvinhu izvozvi here? 11Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, tinotaura zvatinoziva, tinopupura zvatakaona; asi imi hamugamuchiri kupupura kwedu.
12“Kana ndakakuudzai zvinhu zvenyika, mukasatenda, mungagotenda seiko, kana ndichikuudzai zvinhu zvokudenga?
13“Hakuna munhu akakwira kudenga, asi iye akaburuka kudenga, iye Mwanakomana womunhu.”
14Mosesi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwawo, 15kuti ani naani anotenda kwaari, ave noupenyu husingaperi.
16Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa mumwe woga, kuti ani naani anotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi. 17Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake panyika, kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe naye.
18Anotenda kwaari, haatongwi; asi asingatendi kwaari, atotongwa, nokuti haana kutenda kuzita roMwanakomana waMwari akaberekwa mumwe woga.
19Kutongwa ndokuku, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima kupfuura chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa. 20Nokuti mumwe nomumwe, anoita zvakaipa, anovenga chiedza, haauyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kubudiswa pachena. 21Asi anoita chokwadi, anouya kuchiedza, kuti mabasa ake aonekwe, kuti akaitwa muna Mwari.
Kupupura kwaJohani Mubhabhatidzi
22Shure kwaizvozvo Jesu akasvika munyika yeJudhea, navadzidzi vake, akagarako navo achibhabhatidza. 23NaJohani akanga achibhabhatidzawo paAinoni, pedyo neSarimi, nokuti kwaiva nemvura zhinji ipapo; vakauya, vakabhabhatidzwa. 24Nokuti Johani akanga achigere kuiswa mutorongo.
25Zvino nharo dzikamuka pamusoro pokuzvinatsa pakati pavadzidzi vaJohani nomumwe muJudha. 26Vakauya kuna Johani, vakati kwaari, “Rabhi, uya aiva nemi mhiri kwaJorodhani, wamaimbopupurira, tarirai, iye anobhabhatidza, uye vose vanouya kwaari.”
27Johani akapindura, akati, “Munhu haangagamuchiri chinhu, kana asina kuchipiwa chichibva kudenga. 28Imi mumene mungandipupurira, kuti ndakati, ‘Handisi Kristu ini, asi kuti ndakatumwa pamberi pake.’ 29Ano mwenga ndiye muwani; asi shamwari yemuwani inomira ichimunzwa, inofara zvikuru nezwi romuwani. Naizvozvo kufara kwangu uku kwazadzika. 30Iye anofanira kukura, asi ini ndinofanira kudukupiswa.”
31Anobva kumusoro ndiye uri pamusoro pavose; noanobva panyika ndowenyika, anotaura zvenyika; anobva kudenga ndiye ari pamusoro pavose.
32Zvaakaona nezvaakanzwa, ndizvo zvaanopupura; asi hakuna munhu anogamuchira kupupura kwake. 33Uyo akagamuchira kupupura kwake, akasimbisa kuti Mwari ndowechokwadi.
34Nokuti akatumwa naMwari, ndiye anotaura mashoko aMwari; nokuti haapi Mweya asina mwero. 35Baba vanoda Mwanakomana, vakamupa zvose muruoko rwake. 36Anotenda Mwanakomana, ano upenyu husingaperi; asi asingatereri Mwanakomana, haangaoni upenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.

Currently Selected:

Johani 3: SNA2002

ማድመቅ

Share

Copy

None

ያደመቋቸው ምንባቦች በሁሉም መሣሪያዎችዎ ላይ እንዲቀመጡ ይፈልጋሉ? ይመዝገቡ ወይም ይግቡ