የYouVersion አርማ
የፍለጋ አዶ

Ruka 2

2
Kuberekwa kwaJesu Kristu
(Mateu 1:18-25)
1Zvino namazuva iwayo chirevo chakaitwa naKesari Augusto, kuti nyika yose inyorwe mazita. 2Uku ndokwaiva kunyorwa kwokutanga, kwakaitwa Kuriniosi ari mubati weSiria. 3Vanhu vose vakaenda kundonyorwa, mumwe nomumwe kuguta rake.
4NaJosefawo akabva Gariria, muguta reNazareta, akaenda Judhea, kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bheterehemu, nokuti aiva weimba yaDhavhidhi, noworudzi rwake; 5kuti anyorwe naMaria, wakanga arooorwa, ava napamuviri.
6Zvino vakati varipo, mazuva okusununguka kwake akasvika; 7akasununguka dangwe rake mwanakomana, akamuputira nemicheka, akamuvanzarika muchidyiro chezvipfuwo, nokuti vakashaiwa nzvimbo mumba mavaeni.
Vafudzi veBheterehemu
8Zvino kwakanga kuna vafudzi munyika iyo, vaigara kuhuragu vachirinda mapoka avo usiku. 9Mutumwa waIshe akamira navo, nokubwinya kwaIshe kukavakomba, vakatya nokutya kukuru. 10Ipapo mutumwa akati kwavari, “Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko omufaro mukuru, uchava wavanhu vose; 11nokuti nhasi mazvarirwa muguta raDhavhidhi Muponesi, ndiye Kristu Ishe. 12Ichi ndicho chiratidzo kwamuri, muchandowana mwana mucheche, akaputirwa nemicheka, avete muchidyiro chezvipfuwo.”
13Ipapo kamwe-kamwe kukavapo pamwechete nomutumwa, vazhinji vehondo yokudenga, vachirumbidza Mwari, vachiti,
14“Mwari ngaarumbidzwe kumusoro,
Norugare ngaruve navanhu vaanofarira.”
15Zvino vatumwa vakati vabva kwavari, vaenda kudenga, vafudzi vakataurirana, vachiti, “Ngatiende hedu Bheterehemu, tindoona chinhu ichi chakaitwa; chatakaziviswa naIshe.”
16Ipapo vakakurumidza kuenda, vakawana Maria naJosefa, nomwana mucheche avete muchidyiro chezvipfuwo. 17Vakati vaona, vakazivisa kwose shoko ravakanga vaudzwa rezvomwana uyo. 18Vose vakanzwa vakashamiswa nezvavakaudzwa navafudzi. 19Asi Maria akachengeta mashoko iwayo ose, achifungisisa mumwoyo make. 20Zvino vafudzi vakadzokera kwakare, vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pezvose zvavakanzwa nezvavakaona, sezvavakanga vaudzwa.
Jesu anoiswa mutemberi, Simoni naAna
21Mazuva masere akati apfuura, musi wokudzingiswa wasvika, vakatumidza zita rake Jesu, iro raakanga atumidzwa nomutumwa, asati agamuchirwa mudumbu ramai.
22Zvino mazuva okuzvinatsa kwavo nomurayiro waMosesi akati apera, vakaenda naye Jerusaremu, kuti vamuise pamberi paIshe; 23sezvazvakanyorwa pamurayiro waIshe, zvichinzi, “Mwanarume mumwe nomumwe anotanga kuzarura chizvaro, achanzi mutsvene waIshe,” 24uye kubayira chibayiro; sezvazvakarehwa pamurayiro waIshe, zvinoti, njiva mbiri, kana hangaiwa mbiri duku.
25Zvino, kwakanga kune munhu paJerusaremu, ainzi Simioni; aiva munhu akarurama aida Mwari, aitarira kunyaradzwa kwavaIsiraeri; noMweya Mutsvene wakanga anaye. 26Iye akanga aratidzwa noMweya Mutsvene, kuti haangaoni rufu, asati aona Kristu waIshe.
27Iye akauya mutemberi achifambirwa noMweya; zvino vabereki vakati vachiuya nomwana Jesu, kuti vaite naye nomutoo womurayiro, 28akamubata mumaoko ake akarumbidza Mwari, achiti,
29“Zvino, Tenzi, muranda wenyu ngaaende hake
Norugare sezvamakareva;
30Nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu,
31Rwamakagadzira pamberi pavanhu vose;
32Chiedza chokuvhenekera vahedheni,
Nokurumbidzwa kwavanhu venyu vaIsiraeri.”
33Baba vake namai vake vakashamiswa nezvakarehwa pamusoro pake.
34Ipapo Simioni akavaropafadzwa, akati kuna Maria, mai vake, “Tarira, mwana uyu akaisirwa kuwa nokumuka kwavazhinji pakati pavaIsiraeri, chichava chiratidzo chicharambwa; 35uye munondo uchabaya mweya wakowo; kuti ndangariro dzemwoyo mizhinji dzizikanwe.”
36Zvino kwakanga kuna Anawo, muporofitakadzi, mukunda waFanueri, worudzi rwaAsheri; iye wakanga achembera kwazvo, akanga anomurume makore manomwe kubvira pahumhandara hwake, 37akanga ari chirikadzi yaiva namakore makumi masere namana, akanga asingabvi mutemberi, achishumira Mwari nokuzvinyima zvokudya nokukumbira usiku namasikati. 38Naiye akati achisvika nenguva iyo, akatenda Mwari, akataura pamusoro pake kuna vose vakanga vachitarira kusunungurwa kweJerusaremu.
39Zvino vakati vapedza zvose zvomurayiro waIshe, vakadzokera Gariria, kuguta ravo Nazareta.
40Mwana akakura, akasimba, akazara nenjere; nenyasha dzaMwari dzikava pamusoro pake.
Jesu pakati pavadzidzisi vakuru
41Zvino vabereki vake vaisienda Jerusaremu makore ose kumutambo wePasika. 42Zvino iye akati ava namakore ane gumi namaviri, akakwirako netsika yomutambo. 43Vakati vapedza mazuva, pakudzoka kwavo mwana Jesu akasara Jerusaremu, vabereki vake vasingazivi. 44Asi zvavaiti zvimwe ari kuna vamwe vakanga vari panzira navo, vakafamba zuva rimwe, vakazomutsvaka kuhama dzavo nokushamwari dzavo.
45Vakati vamushaiwa, vakadzokera Jerusaremu vachimutsvaka. 46Mazuva matatu akati apfuura, vakamuwana ari mutemberi, agere pakati pavadzidzisi achiteerera nokuvabvunza. 47Vose vakanga vachimunzwa, vakashamiswa nokuziva kwake uye nokupindura kwake.
48Zvino vakati vamuona, vakakatyamara; mai vake vakati kwaari, “Mwana, watiitireiko zvakadai? Tarira, baba vako neni takakutsvaka tichichema.” 49Akati kwavari, “Makanga muchinditsvakireiko? Makanga musingazivi kuti ndinofanira kuva pazvinhu zvaBaba vangu here?”
50Vakasanzwisisa shoko raakavaudza.
51Ipapo akaburuka navo, akasvika Nazareta, akavateerera. Mai vake vakachengeta mashoko iwayo ose mumwoyo mavo.
52Jesu akaramba achienda mberi pakuchenjera, napakukura, napakufadza Mwari navanhu.

Currently Selected:

Ruka 2: SNA2002

ማድመቅ

Share

Copy

None

ያደመቋቸው ምንባቦች በሁሉም መሣሪያዎችዎ ላይ እንዲቀመጡ ይፈልጋሉ? ይመዝገቡ ወይም ይግቡ