Ruka 8
8
Vakadzi vaishandira Jesu
1Zvino shure kwaizvozvo, akapota nokumaguta nemisha, achiparidza nokureva zveVhangeri youshe hwaMwari, vane gumi navaviri vanaye.
2Navamwe vakadzi vakanga vaporeswa pamweya yakaipa napazvirwere, vaiti, Maria anonzi Magadharina, iye akanga abuda mweya yakaipa minomwe kwaari, 3naJohana, mukadzi waKuza, mutariri waHerodhi, naSusana, navamwe vazhinji, vaimushumira nezvavo.
Mufananidzo womukushi
(Mateu 13:1-23; Mako 4:1-20)
4Zvino vanhu vazhinji-zhinji vakati vaungana, navakanga vabva kumaguta ose vakasvika kwaari, akataura nomufananidzo, akati, 5“Mukushi akabuda kundokusha mbeu dzake; akati achikusha, dzimwe mbeu dzakawira panzira, dzikatsikwa, shiri dzokudenga dzikadzidya. 6Dzimwe dzakawira paruware; dzikamera, dzikaoma, nokushayiwa mwando. 7Dzimwe dzakawira pakati peminzwa; minzwa ikakura pamwechete nadzo, ikadzivhunga. 8Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikamera, dzikabereka zvibereko zvine zana. Akati ataura izvozvo, akadanidzira, achiti, ‘Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.’ ”
9Zvino vadzidzi vake vakamubvunza, kuti mufananidzo uyo wairevei.
10Akati, “Imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwaMwari; asi vamwe vanozvipiwa nemifananidzo, kuti vachiona, varege kuona; vachinzwa, varege kunzwisisa. 11Zvino mufananidzo ndiwo: mbeu ishoko raMwari. 12Avo vapanzira ndivo vakanzwa; zvino Dhiabhori wouya, achibvisa shoko pamwoyo yavo, kuti varege kutenda, vakaponeswa. 13Avo vaparuware ndivo vanoti kana vanzwa shoko, vanorigamuchira nomufaro; havano mudzi, vanongotenda nguva duku; nenguva yokuedzwa vanotsauka. 14Dzakawira pakati peminzwa ndivo vakanzwa; zvino vanoenda, vakaungiwa nokufunganya nepfuma, nezvinofadza zvoupenyu huno, vakasasvitsa zvibereko. 15Asi dzomuvhu rakanaka, ndivo vakanzwa shoko mumwoyo wakarurama nowakanaka, vanorichengeta, vachibereka zvibereko nokutsungirira.
Mufananidzo womwenje
(Mako 4:21-25)
16“Hakuna munhu, anoti kana atungidza mwenje, anozoufukidzira nomudziyo, kana kuuisa pasi pomubhedha; asi anouisa pachigadziko, kuti vanopinda vaone chiedza.
17“Nokuti hakuna chakavanzika, chisingazooneswi, hakuna chakavigwa, chisingazozikanwi, nokubuda pachena.
18“Naizvozvo, chenjerai mutoo wamunonzwa nawo; nokuti anazvo, achapiwa; asina, achatorerwa naichochowo chaanoti ndinacho.
Ukama naJesu
(Mateu 12:46-50; Mako 3:31-35)
19“Zvino mai vake navakoma navanun'una vake vakauya kwaari, vakasagona kusvika kwaari nemhaka yavanhu vazhinji.
20“Akaudzwa, zvichinzi, ‘Mai venyu navakoma navanun'una venyu vamire kunze, vanoda kukuonai.’ ” 21Akapindura, akati kwavari, “Mai vangu navakoma navanun'una vangu ndivo vaya vanonzwa shoko raMwari vachiriita.”
Jesu anonyaradza dutu remhepo
(Mateu 8:23-27; Mako 4:35-41)
22Zvino nerimwe ramazuva iwayo akapinda muigwa navadzidzi vake, akati kwavari, “Ngatiyambukire mhiri kwegungwa.” Vakaenda. 23Zvino vakati vachienda, iye akavata; dutu guru remhepo rikauya pagungwa; vakatanga kuzarirwa nemvura, vakava munjodzi. 24Vakauya kwaari, vakamumutsa, vachiti, “Tenzi! Tenzi! Tofa!” Ipapo akamuka, akarayira mhepo namafungu emvura; zvikaguma, kukadzikama.
25Zvino akati kwavari, “Kutenda kwenyu kuripiko?” Vakatya nokushamiswa, vakataurirana, vachiti, “Ndianiko uyu, zvaanoraira kunyange nemhepo nemvura, zvichimuteerera?”
Jesu anobudisa mweya yakaipa panyika yavaGerasa
(Mateu 8:28-34; Mako 5:1-20)
26Zvino vakasvika kunyika yavaGerasa, yakatarisana neGariria. 27Akati achibuda muigwa panyika, mumwe murume weguta akasangana naye, akanga ane mweya yakaipa; nguva huru akanga asina kupfeka nguo, asingagari mumba, asi mumarinda. 28Zvino iye akati achiona Jesu, akadanidzira, ndokuzviwisira pamberi pake, akati nezwi guru, “Ndine mhaka yeiko nemi Jesu, Mwanakomana woWokumusoro-soro? Ndinokumbira kwamuri kuti musanditambudza.” 29Nokuti akarayira mweya wahan'ora kuti ubude kumunhu. Nokuti kazhinji akanga abatwa nawo; akasungwa nezvisungo nengetani akarindiwa; akadambura zvisungo, akadzingirwa kumarenje nomweya wakaipa.
30Jesu akamubvunza, achiti, “Zita rako ndianiko?” Akati, “Regioni.” Nokuti mweya yakaipa mizhinji yakanga yapinda maari. 31Ikakumbira zvikuru kwaari, kuti arege kuyiraira kuti iende kwakadzika-dzika.
32Zvino kwakanga kuripo boka guru renguruve zhinji, raifura mugomo; ikakumbira zvikuru kwaari, kuti aitendere kupinda madziri; akaitendera.
33Mweya yakaipa ikabuda kumunhu, ikapinda munguruve; ipapo boka rakamhanyira kumawere kugungwa, rikagaramo.
34Vaidzifudza vakati vaona zvaitwa, vakatiza, vakandoudza izvozvo muguta naparuwa. 35Vakabuda kundoona zvaitwa; vakasvika kuna Jesu, vakandoona munhu, makanga mabuda mweya yakaipa maari, agere patsoka dzaJesu, apfeka, ava munhu kwaye; vakatya. 36Vakanga vazviona vakavaudza mutoo waakaporeswa nawo, iye waiva nemweya yakaipa.
37Vanhu vose venyika yakapoteredza yavaGerasa vakakumbira kwaari kuti abve kwavari, nokuti vakanga vabatwa nokutya kukuru. Akapinda muigwa, akadzoka. 38Asi munhu uyo, makanga mabuda mweya yakaipa maari, akakumbira kwaari kuti agare naye. Asi akamudzosa, achiti, 39“Dzokera kumba kwako, undotaura zvinhu zvikuru zvawaitirwa naMwari.” Akaenda, akandoparidza muguta rose zvinhu zvikuru zvaakaitirwa naJesu.
Jesu anoporesa mukadzi aibuda ropa, uye anomutsa mukunda waJairosi
(Mateu 9:18-26; Mako 5:21-43)
40Zvino Jesu akati achidzoka, vazhinji vakamugamuchira; nokuti vose vakanga vakamumirira. 41Ipapo mumwe murume, ainzi Jairosi, akanga ari mukuru wesinagoge, akauya akazviwisira patsoka dzaJesu, akakumbira zvikuru kwaari kuti apinde mumba make.
42Nokuti akanga anomukunda mumwechete, waiva namakore anenge gumi namaviri, akanga atotandadza. Zvino akati achienda, vanhu vazhinji vakamumanikidza.
43Ipapo mumwe mukadzi, aiva nokurwara kwokubuda ropa makore ane gumi namaviri, akanga apedzera pan'anga zvose zvaairarama nazvo, asingaporeswi neimwe, 44akauya mumashure make, akabata mupendero wenguo yake, pakarepo kubuda kwake kweropa kukaguma. 45Jesu akati, “Ndianiko andibata?” Zvino vose vakati vachiramba, Petirosi akati, “Tenzi, vanhu vazhinji vanokumanikidzai nokukutsikirirai.”
46Asi Jesu akati, “Mumwe andibata, nokuti ndanzwa kuti simba rabuda kwandiri.” 47Zvino mukadzi akati achiona kuti haana kuvanzika, akauya, achidedera, akazviwisira pasi pamberi pake, akamuudza pamberi pavose kuti akanga amubata nemhaka yei, uye kuti akaporeswa pakarepo. 48Akati kwaari, “Mukunda, kutenda kwako kwakuporesa, enda hako norugare.”
49Akati achataura, mumwe akasvika, achibva kumba kwomukuru wesinagoge, akati kwaari, “Mukunda wenyu afa; regai henyu kutambudza Mudzidzisi.”
50Zvino Jesu akati achizvinzwa, akapindura, akati, “Usatya, tenda bedzi, iye achaponeswa.” 51Zvino akati asvika kumba, akasatendera munhu kupinda naye, asi Petirosi, naJohani, naJakobho, nababa vomusikana, namai. 52Vose vakanga vachichema, vachimuungudza. Iye akati, “Musachema, haana kufa, asi avete.”
53Vakamuseka, vachiziva kuti wafa. 54Zvino iye akabata ruoko rwake, akadana, achiti, “Musikana, muka!”
55Ipapo mweya wake wakadzoka, akamuka pakarepo. Akarayira kuti apiwe zvokudya. 56Vabereki vake vakashamiswa, asi akavarayira kuti varege kuudza munhu zvakaitwa.
Currently Selected:
Ruka 8: SNA2002
ማድመቅ
Share
Copy
ያደመቋቸው ምንባቦች በሁሉም መሣሪያዎችዎ ላይ እንዲቀመጡ ይፈልጋሉ? ይመዝገቡ ወይም ይግቡ
© Shona Union Version 2002