የYouVersion አርማ
የፍለጋ አዶ

Mako 16

16
Kumuka kwaJesu, nokuzviratidza kwake
(Mateu 28:1-20; Ruka 24:1-49; Johani 20:1-23; Mabasa 1:6-8)
1Sabata yakati yapfuura, Maria Magadharina, naMaria mai vaJakobho, naSarome, vakatenga zvinonhuwira, kuti vaende kuzomuzodza. 2Mangwanani nomusi wokutanga wevhiki, vakaenda kubwiro, zuva robuda. 3Vakataurirana, vachiti, “Ndianiko achatikungurusira ibwe pamusuo webwiro?” 4Zvino vakati vachitarira, vakaona kuti ibwe rakanga ratokunguruswa, nokuti raiva guru-guru.
5Vakapinda mubwiro, vakaona jaya, rakanga rigere kurudyi, rakapfeka nguo chena yakarehwa, vakavhunduka.
6Rikati kwavari, “Musavhunduka, munotsvaka Jesu weNazareta, akanga aroverwa pamuchinjikwa; amuka, haapo pano; tarirai pavakanga vamuisa.
7“Asi endai, mundoudza vadzidzi vake naPetirosi, kuti anokutungamirirai Gariria, muchandomuonako, sezvaakakuudzai.”
8Vakabuda, vakatiza vachibva pabwiro, nokuti vakanga vabatwa nokudedera nokushamiswa; vakasaudza munhu chinhu, nokuti vakanga vachitya.
[ 9Zvino akati amuka mangwanani nomusi wokutanga wevhiki, akazviratidza pakutanga kuna Maria Magadharina, waakanga abudisa mweya yakaipa minomwe kwaari. 10Iye akaenda kundoudza avo vaiva naye, vakanga vachichema nokusuwa. 11Ivo vakati vachinzwa kuti ari mupenyu, uye kuti akaonekwa naye, vakasatenda.
12Shure kwaizvozvo wakazviratidza nomumwe mutowo kuna vaviri vavo, vakanga vachifamba muruwa. 13Naivowo vakaenda, vakandoudza vamwe; naivo vakasavatendawo.
14Pashure wakazviratidza kuna vane gumi nomumwe, vagere pakudya; akavapa mhaka pamusoro pokusatenda kwavo noukukutu hwemwoyo yavo, nokuti havana kutenda vaya vakanga vamuona amuka. 15Akati kwavari, “Endai munyika yose, muparidzire zvisikwa zvose Vhangeri. 16Anotenda, akabhabhatidzwa, achaponeswa; asi asingatendi achatongwa. 17Zviratidzo izvi zvichava navanotenda, vachabudisa mweya yakaipa nezita rangu, vachataura nendimi itsva; 18vachabata nyoka; kunyange vakanwa chinhu chinouraya, hachingavarwadzi; vachaisa maoko pamusoro pavarwere, vakapora.”
Kukwira kwaJesu
(Ruka 24:50-53; Mabasa 1:9-11)
19Zvino Ishe Jesu akati ataura navo, akagamuchirwa kudenga, akagara kuruoko rworudyi rwaMwari. 20Ivo vakaenda, vakaparidza kwose-kwose, Ishe achibatsirana navo, achisimbisa shoko nezviratidzo zvaiteverana navo.]

Currently Selected:

Mako 16: SNA2002

ማድመቅ

Share

Copy

None

ያደመቋቸው ምንባቦች በሁሉም መሣሪያዎችዎ ላይ እንዲቀመጡ ይፈልጋሉ? ይመዝገቡ ወይም ይግቡ