የYouVersion አርማ
የፍለጋ አዶ

Johani 11

11
VI: JESU ANONANGA KURUFU RWAKE
Urwere norufu rwaRazaro
1Kwaiva nomumwe murume airwara ainzi Razaro wekuBhetania, mumusha waigara Maria nomukoma wake Marita. 2Maria ndiye uya akambozora Jesu namafuta akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake. Ndiye ane hanzvadzi yake Razaro airwara. 3Hanzvadzi dzake dzakatuma shoko rokuti, “Tenzi mudikanwi wenyu kuno warwara.” 4Jesu paakazvinzwa akati, “Kurwara uku hakupereri murufu, ndekwekuratidza mbiri yaMwari, kuti Mwanakomana waMwari arumbidzwe nako.”
5Jesu aida Marita nomunun'una wake naRazaro. 6Paakanzwa kuti ari kurwara akagara mamwe mazuva maviri kwaakanga ari ikoko. 7Mushure maizvozvi akati kuna vadzidzi, “Handei zvakare kuJudhea.” 8Vadzidzi vake vakamuti, “Rabhi vaJudha vaida kutokutakai namabwe, ko zvino modzokerazve here ikoko?” 9Jesu akapindura achiti,
“Handiti zuva rina maawa gumi namaviri here?
Aninani anofamba masikati haagumburwi nokuti
anenge achiona chiedza chapasi.
10Asi munhu anofamba murima anoguhunwa
nokuti maari hamuna mwenje.”
11Akataura izvi ndokubva ati, “Shamwari yedu Razaro yakotsira asi ndinoenda kundomumutsa muhope.” 12Vadzidzi vake vakati kwaari, “Tenzi kana kuri kuti avata achanaya.” 13Ipapo Jesu ainge achitaura nezvorufu rwake. Asi ivo vakafunga kuti aireva kuvata hope chaidzo. 14Jesu ndokuzovataurira pachena kuti “Razaro wafa. 15Nokuda kwenyu ndinofara kuti ndakanga ndisiko kuti mudavire. Zvino ngatichiendai kwaari.” 16Tomasi anonzi, Mapatya#11:16 Mapatya: MuchiHebheru mapatya zvinoreva kuti Dhidhimusi. akati kuna vamwe vake, vadzidzi “Handeiwo tindofa naye.”
Jesu ndiye kumuka uye upenyu
17Jesu paakasvika akawana Razaro atova muguva kwamazuva mana. 18Bhetania iri pedyo neJerusaremu, makiromita anenge matatu. 19VaJudha vazhinji vakanga vauya kuna Marita naMaria kuzovabata maoko ehanzvadzi yavo. 20Marita paakanzwa kuti Jesu avakusvika akaenda kundomuchingura Maria akagara mumba. 21Marita akati kuna Jesu, “Tenzi dai makanga muri pano hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. 22Nyange iye zvino ndinoziva kuti chose chamunokumbira kuna Mwari, Mwari anokupai.” 23Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.” 24Marita akati kwaari, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka, pazuva remhedziso.”
25Jesu akati kwaari,
“Ndini kumuka nouupenyu.
Anotenda mandiri kunyange akafa achava mupenyu.
26Munhu anogara akabatana neni
uye anotenda mandiri haazombofa.
Unotenda here izvi?”
27Akati kwaari, “Hongu, Tenzi chokwadi ndinotenda kuti ndimi Mesia. Mwanakomana waMwari anonzi achauya pasi pano.”
28Paakataura izvi akaenda akadaidza munun'una wake Maria chinyararire achiti, “Mudzidzisi ari pano uye anokudana.” 29Paakazvinzwa akabva asimuka nokukurumidza akaenda kwaari. 30Ipapo Jesu akanga asati apinda mumusha iwoyo. Akanga achiri paya paakachingurana naMarita. 31Naizvozvo vaJudha vakanga vaina Maria mumba vachimubata maoko, pavakamuona achisimuka nokukurumidza achibuda vakamutevera vachifunga kuti avakuenda kuguva kundochemako.
32Maria paakasvika paiva naJesu akamuona akawira pasi patsoka dzake achiti, “Tenzi dai makanga muri pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” 33Jesu paakamuona achichema uye vaJudha vaakauya navo vachichemawo, akashungurudzwa mwoyo akatambudzika. 34Akati, “Makandomuradza kupi?” Vakati kwaari, “Tenzi, uyai muone zvenyu.” 35Jesu akachema. 36VaJudha vakati, “Tarisai muone kumuda kwaaiita.” 37Vamwewo vakati, “Ko iye akasvinudza bofu maziso aitadza here kudzivirira munhu uyu kufa.”
Kumutswa kwaRazaro muvafi
38Jesu akashungurudzwazve mumwoyo zvakanyanya ndokubva asvika paguva rakanga riri bako rine ibwe pamuromo paro. Jesu akati, “Bvisai ibwe.” 39Marita, hanzvadzi yomufi, yakati kwaari, “Tenzi paari otonhuhwa nokuti atova namazuva mana akafa.” 40Jesu akati kwaari, “Handina here kumbokutaurira kuti ukatenda uchaona mbiri yaMwari.” 41Nokudaro vakabvisa ibwe riya. Jesu akatarisa kudenga akati,
“Baba, ndinokutendai nokuti mandinzwa.
42Ndinoziva kuti munondinzwa nguva dzose.
Asi ndataura izvi kuitira vanhu vamire pano ava,
vadavire kuti makandituma.”
43Paakataura izvi akazodaidzira nezwi guru achiti, “Razaro buda!” 44Mufi akabva abuda maoko ake namakumbo akamoneredzwa netumicheka uso hwake hwakanga hwakaputirwa nejira. Jesu akavati, “Musunungurei aende.”
Bangano rokuuraya Jesu
(Mat 26:1–5; Mak 14:1–2; Ruka 22:1–2)
45Naizvozvo vaJudha vazhinji vakanga vauya kuna Maria vakaona zvaakanga aita vakatenda maari. 46Asi vamwe vavo vakaenda kuvaFarisei vakavataurira zvakanga zvaitwa naJesu. 47Ipapo vakuru vakuru vavapristi navaFarisei vakaunganidza makurukota avo padare#11:47 Dare: Dare ravaJudha rainzi Sanihedhirini. vakati, “Toita sei, nokuti munhu uyu anoita zviratidzo zvakawanda. 48Tikamurega achidaro vose vachatenda maari, vaRoma vachauya vakaparadza Temberi iyi#11:48 Temberi: ChiGiriki chinoti nzvimbo tsvene. nerudzi rwedu.” 49Asi mumwe anonzi Kaifasi, aiva ari mupristi mukuru gore iroro akati kwavari, “Inga hamuna nechamunoziva, 50hamuzivi kuti zvakanaka kwamuri kuti munhu mumwechete afire vanhu kuti rudzi rwose rwurege kuparara.” 51Haana kutaura izvi nokuda kwake oga asi somupristi mukuru wegore iroro aiporofita kuti Jesu anofanira kufira rudzi. 52Uye kwete kufira rudzi chete asi kukokorodza pamwechete vana vaMwari vakapararira kwose kwose. 53Saizvozvo kubvira pazuva iroro vakarangana kuti vangamuuraye sei. 54Naizvozvo Jesu haana kuzofamba pachena mukati mavaJudha. Akabvapo akaenda kunyika iri padyo nerenje kuguta rinonzi Efuremu. Akagara navadzidzi vake ikoko.
55Izvozvo Pasika yavaJudha yakanga yava kusvika saka vanhu vazhinji vaibva kumaruwa vachikwira kuJerusaremu pasika isati yasvika vachindozvichenura. 56Vaitsvaka Jesu vachitaurirana vamire muTemberi vachiti, “Munofungei nhaimi? Angarege here kuuya kuzuva guru.” 57Zvino vapristi vakuru navaFarisei vakanga vakomera kuti anenge angoziva kwaari anofanira kuvazivisa kuti vamusunge.

Currently Selected:

Johani 11: SCLB

ማድመቅ

Share

Copy

None

ያደመቋቸው ምንባቦች በሁሉም መሣሪያዎችዎ ላይ እንዲቀመጡ ይፈልጋሉ? ይመዝገቡ ወይም ይግቡ