የYouVersion አርማ
የፍለጋ አዶ

Johani 9

9
Kuporeswa kwomunhu akazvarwa ari bofu
1Jesu paakanga achipfuura zvake akaona munhu akaberekwa ari bofu. 2Vadzidzi vake vakamubvunza vachiti, “Nhai Mudzidzisi ndiani akatadza, munhu uyu kana kuti vabereki vake zvakaita kuti aberekwe ari bofu?” 3Jesu akapindura achiti, “Haasi munhu uyu akatadza kana kuti vabereki vake, asi zvakaitirwa kuti mabasa aMwari aoneswe maari.
4“Tinofanira kuita mabasa
euyo akandituma kuchakachena.
Usiku huri kuuya
hwokuti hapana anozokwanisa kushanda.
5Kana ndichiri pasi pano
ndini chiedza chapasi.”
6Paakataura izvi akasvipira pasi, akakanya tudhaka ndokutwuisa pamaziso omunhu uya 7akamuti, “Chienda undoshamba mudziva reSiroamu” (zvinoreva kutumwa.) Ipapo akaenda akashamba akauya avakuona.
8Vavakidzani naye navamwe vaimbomuona achipemha vakati, “Uyu haasiri munhu uya here aigara pasi achipemha?” 9Vamwe vakati, “Ndiye.” Vamwewo vakati, “Kwete akangofanana naye.” Asi iye akati, “Ndini.” 10Vakati kwaari, “Ko maziso ako akazarurwa sei?” 11Iye akapindura achiti, “Munhu anonzi Jesu akanya tudhaka akazora maziso angu akanditi, ‘Enda kudziva reSiroamu ushambe.’ Saizvozvowo ndaenda ndikashamba ndikabva ndavakuona.” 12Vakati, “Ko zvino ari kupi?” Iye ndokuti, “Handizivi.”
13Vakaunza kuvaFarisei munhu uya akanga ari bofu. 14Zvino waiva musi weSabata Jesu paakakanya tudhaka akamuzarura maziso ake. 15VaFarisei vakamubvunzazve kuti aoneswa sei. Iye akavati aisa tudhaka pamaziso angu ndikashamba, zvino ndava kuona. 16Vamwe vaFarisei vakati, “Munhu uyu haabvi kuna Mwari nokuti haachengeti Sabata.” Vamwewo vakati, “Zvingaitike sei kuti munhu mutadzi aite zviratidzo zvakadai?” Pakabva pamuka nharo pakati pavo. 17Naizvozvo, vakatizve kubofu riya, “Ko iwe unotii nezvake zvaakusvinudza maziso.” Iye akati, “Munhu uyu muporofita.”
18VaJudha havana kudavira kuti akambenge ari bofu. Uye kuti akanga asvinudzwa maziso kusvikira vatodaidza vabereki vomunhu uya akanga asvinudzwa maziso. 19Vakavabvunza kuti, “Uyu mwana wenyu here uyu wamungati akaberekwa ari bofu; ko zvaitika sei kuti zvino avakuona?” 20Vabereki vake vakapindurawo vachiti, “Chatinoziva isu ndechokuti, uyu mwanakomana wedu, uye kuti akaberekwa ari bofu. 21Asi zvokuti iye zvino ava kuona sei isu hatizvizivi kana kuzivawo kuti ndiani wamusvinudza maziso. Mubvunzei iye, inga abve zero wani. Anozvidavirira.” 22Vabereki vake vakadaro pamusana pokuti vaitya vaJudha nokuti vaJudha vakanga vatorangana kuti munhu anenge angoti iye ndiye Mesia#9:22 Mesia: Kana kuti Kristu, muzodzwa waMwari. anofanira kudzingwa muSinagogu. 23Ndokusaka vabereki vake vakati, “Inga abve zero wani, mubvunzei iye.”
24Naizvozvo vakadaidzazve kechipiri munhu uya akaberekwa ari bofu vakamuti, “Iwe remekedza Mwari, isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.” 25Iye akapindura achiti, “Zvokuti mutadzi ini handizvizivi asi chandinoziva chimwechete chokuti ini ndanga ndiri bofu, zvino ndavakuona.” 26Vakati kwaari, “Chii chaaita kwauri. Akusvinudza maziso ako sei?” 27Iye akavapindura achiti, “Inga ndakutaurirai kare wani, mukaramba kuteerera. Munodirei kuzvinzwa zvakare? Asi mavakudawo kuva vadzidzi vake nhai?” 28Vakabva vamunyomba vachiti, “Iwe ndiwe ungatova mudzidzi wake isu tiri vadzidzi vaMosesi. 29Isu tinoziva kuti Mwari akataura kuna Mosesi. Asi zvomunhu uyu, hatizivi kwaanobva.” 30Munhu uya akavapindura achiti, “Apokaapo, izvi zvinoshamisa izvi, heya hamuzivi kwaanobva asi iye andisvinudza maziso angu? 31Tinoziva kuti Mwari haateeri vatadzi, asi kana munhu ari munamati waMwari, uye achiita kuda kwake, Mwari anomunzwa. 32Kubvira pakutanga kwapasi, hakuna kumbonzwika kuti pane akambozarura maziso omunhu akazvarwa ari bofu. 33Dai munhu uyu anga asingabvi kuna Mwari hapana chaaikwanisa kuita.” 34Vakati kwaari, “Iweka iwe, chiberekerwo chako uri mutadzi chaiyeiye. Ndiwe ungade kutidzidzisa iyewe.” Vakabva vamudzinga.
Upofu mune zvemweya
35Jesu akazvinzwa kuti vamutandanisa. Paakamuona akamuti, “Unotenda here muna Mwanakomana womunhu?” 36Iye akapindura achiti, “Ndiani iyeyo nhai, changamire kuti nditende maari.” 37Jesu akamuti, “Wamuona, ndini iye uno ari kutaura kwauri.” 38Iye akati, “Tenzi ndinotenda,” akabva amugwadamira.
39Jesu ndokubva ati:
“Ndakauya kuti vanhu vazvitongese
kuti vasingaoni vaone
uye kuti vanoona varege kuona.”
40Vamwe vaFarisei vakanga vari pedyo naye vakazvinzwa, vakati kwaari, “Nesuwo tiri mapofu here isu?” 41Jesu akati kwavari,
“Dai muri mapofu mungadai musina mhosva.
Asi zvino zvamunoti tinoona
mhosva yenyu inongoramba iripo.”

Currently Selected:

Johani 9: SCLB

ማድመቅ

Share

Copy

None

ያደመቋቸው ምንባቦች በሁሉም መሣሪያዎችዎ ላይ እንዲቀመጡ ይፈልጋሉ? ይመዝገቡ ወይም ይግቡ