Ruka 17
17
Chitadzo
(Mat 18:6,7,21–22; Mak 9:42)
1Jesu akati kuvadzidzi vake, “Zvinokonzera vamwe kuita zvakaipa#17:1 Zvinokonzera vamwe kuita zvakaipa: Mazwi aya anoreva chigumbuso. hazvimborega kuvapo. Asi zvichamuwana iye anozviunza. 2Zvaitova nani kuti asungirirwe guyo mumutsipa make achindokandwa munyanza panze pokuti akonzere mumwe wavaduku ava kuti atadzire Mwari. 3Zvichenjererei imi pachenyu; kana hama yako ikakutadzira, itsiure. Kana ikapfidza iregerere. 4Uye kana akakutadzira kanomwe pazuva akauya kwauri kanomwe achiti ndapfidza. Unofanira kumuregerera.”
Simba rechitendero
5Vapositori vakati kuna Tenzi, “Tiwedzereiwo chitendero chedu.” 6Tenzi akati, “Dai muine chitendero chakaita setsanga yemasitadhi, maigona kuti kumuonde uyu dzipuka undosimwa mugungwa uchikuteererai.
Muranda waJesu anozvirereka sei kuna Mwari
7“Pane mumwe wenyu here ano muranda anenge achirima kana kufudza hwai, angati kwaari kana abva kumunda, ‘Chibva wauya ugare pakudya?’ 8Haasi anototi here, ‘Ndigadzirire chokudya chamanheru upfeke undiperekere, kusvikira ndadya ndikanwa, iwe wozodyawo nokunwa mushure macho?’ 9Anotenda muranda here nokuti aita zvaaudzwa? 10Nemiwo, kana maita zvamunenge maudzwa itii, ‘Tiri varanda vasingakodzeri. Tangoita zvatinofanira kuita.’ ”
Jesu anoporesa gumi ravaiva namaperembudzi
11Ari parwendo rwokuenda kuJerusaremu akapfuura napakati peSamaria neGarirea. 12Paakapinda mune mumwe musha, akasangana navanhu gumi vaiva namaperembudzi vakamira nechekure 13vakadaidzira vachiti, “Jesu, Tenzi tinzwireiwo tsitsi.” 14Paakavaona akati kwavari, “Endai mundozviratidza kuvapristi.” Pavaienda vakabva vaporeswa. 15Zvino mumwechete wavo paakaona kuti arapwa, akadzoka achirumbidza Mwari nezwi riri pamusoro. 16Akazviwisira pasi nouso patsoka dzaJesu achimutenda. Zvino murume uyu aiva muSamaria. 17Jesu akati, “Ko vanatswa havasi gumi here? Ko vamwe vapfumbamwe varipi? 18Hapana kuwanikwa adzoka kuzorumbidza Mwari kusiya mutorwa uyu oga.” 19Akati kwaari, “Chisimuka uenda zvako. Chitendero chako chakuponesa.”
Kuuya kwoumambo hwaMwari
(Mat 24:23–28,37–41)
20Jesu paakabvunzwa navaFarisei kuti umambo hwaMwari huchasvika rini, akavapindura achiti, “Umambo hwaMwari hausi kuuya nezviratidzo zvinoonekwa. 21Hakuna munhu achati, ‘Hohuno huri pano kana kuti huri apo, nokuti izvozvi umambo hwaMwari huri pakati penyu.’ ”
22Akazoti kuna vadzidzi vake, “Mazuva ari kuuya pamuchasuwira kuona rimwe ramazuva oMwanakomana womunhu asi hamumboriona. 23Vamwe vachati kwamuri, ‘Ari kokoko kana kuti ari pano apa.’ Musaendeko kana kuvatevera. 24Nokuti sokuvaima kunoita mheni ichivhenekera denga kubvira kunorumwe rutivi kusvika kunorumwe, ndizvozvowo zvichaita Mwanakomana womunhu pamazuva ake. 25Asi anofanira kutanga atambudzika zvakanyanya agorambwa nechizvarwa ichi. 26Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNowa, ndizvozvowo zvazvichaita pamazuva oMwanakomana womunhu. 27Vanhu vaidya nokumwa vachiroora nokuroorwa kusvikira pazuva rakapinda Nowa mungarava. Mafashamo akauya akavaparadza vose. 28Naizvozvowo zvakaitika pamazuva aRoti; vanhu vaidya vachinwa vachitenga nokutengesa vachidyara nokuvaka. 29Asi pazuva rakabuda Roti muSodhomu, moto nesarufa zvakanaya zvichibva kudenga zvikavaparadza vose. 30Ndizvozvowo zvazvichaita pazuva richaoneswa Mwanakomana womunhu. 31Pazuva iroro anenge ari pamusoro pemba aine zvinhu zvake mumba, ngaarege kuburukira kuzozvitora. 32Ndizvo zvimwechetezvo naari kumunda, ngaarege kudzokera. Yeukai mudzimai waRoti. 33Uyo anotsvaka kuzviponesa upenyu acharasikirwa nahwo. Asi uyo anorasikirwa noupenyu hwake anohuchengetedza. 34Ndinokuudzai kuti usiku ihoho vaviri vanenge vakarara pamubhedha mumwechete, mumwe achatorwa mumwe achisara. 35Vakadzi vaviri vanenge vari paguyo vachikuya pamwechete, mumwe achatorwa, mumwe achisiiwa.”
[36Vamwe vanenge vari mumunda, mumwe achatorwa mumwe achisiiwa.]#17:36 Ndima iyi muna mamwe maBhaibhiri akare haimo. Zvinotaura zvinowanikwawo muna Mateu 24:40. 37Vakati kwavari, “Kuri kupiko ikoko nhai Tenzi?” Iye akati, “Pane chitunha magora ndipo panoungana.”
Currently Selected:
Ruka 17: SCLB
ማድመቅ
Share
Copy
ያደመቋቸው ምንባቦች በሁሉም መሣሪያዎችዎ ላይ እንዲቀመጡ ይፈልጋሉ? ይመዝገቡ ወይም ይግቡ
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.