Rute 2
2
II: RUTE MUMINDA YAVABHOAZI
Rute anofuhwa mbesanwa mumunda wavaBhoazi
1Naomi uyu aiva nehama yomurume wake Erimereki yomumba, yainzi Bhoazi yaiva shoroma chaiyo yomurume.
2Zvino Rute muMoabhu uyu akati kuna Naomi, “Regai ndiende zvangu kundofuhwa mbesanwa mumunda womunhu anenge andinzwirawo tsitsi.” Naomi akati, “Enda zvako mwanangu.” 3Akasimuka akabva aenda kune mumwe munda akandofuhwa achitevera vakohwi. Zvakangoitikawo kuti munda iwoyo wakanga uri waBhoazi aiva wemhuri imwechete naErimereki. 4Ndiyo nguva yakabva yasvikawo Bhoazi achibva kuBheterehemu. Akakwazisa vakohwi ivava achiti, “Tenzi ngaave nemi!” Ivo vakatiwo, “Tenzi ngaakukomborereiwo!”
5Bhoazi akabvunza mushandi wake aitungamirira vakohwi kuti, “Ko mukadzi uyu ndowokwaani?”
6Mushandi wake wokutungamirira vakohwi ndokuti, “Mukadzi wechiMoabhu akauya naNaomi paakadzoka achibva kuMoabhu, 7akati, ‘Mungandibvumirewo here kufuhwa zvangu ndichitevera panenge pabva vakohwi, napane zvisote.’ Saka auya akashanda kubvira mangwanani-ngwanani kusvikira iye zvino, angozorora kwekanguva kaduku mudumba umo.”
8Bhoazi akati kuna Rute, “Chinzwa mwanangu, chirega zvako kuzvinetsa nokusweroenda kundofuhwa kune mimwe minda, asi ramba wakati kwati navasikana ava. 9Ziso rako ngarirege kubva pamunda wavanenge vachikohwa urambe uchingovatevera. Ndaudza vakomana ava kuti varege kuwana chakaipa chavanoita kwauri. Kana wava nenyota woendawo kumidziyo uko wondonwa mvura inenge yatekwa navashandi ava.”
10Rute akapfugama ndokutyora uso akati, “Zvandibvira nepiko kuti mundiitirewo mwoyochena wakadai wokundicheukawo kudai ini zvangu mutorwa?”
11Bhoazi akamupindura achiti, “Zvose zvawakaitira vamwene vako kubvira panguva yakafa murume wako ndakanyatsozvirondedzerwa. Ndakaudzwawo nezvokusiya kwawakaita baba wako naamai vako, nokusiyawo kwawakaita nyika yokwako ukauya kuvanhu vawakanga usingazivi kare. 12Tenzi ngaakupe mubayiro wezvawakaita, upiwe mubayiro wakakwana chaiwo naTenzi, Mwari wavaIsiraeri mumapapiro ake mawakauya kuzopotera.” 13Iye ndokuti, “Maita mwoyo wakanaka chaizvo kwandiri changamire nokuti mandigadzanisa mwoyo, uye mataura neni zvakanaka kwazvo kunyange zvazvo ndisiri mumwe wavasikana ava, vanokushandirai.”
14Panguva yokudya, Bhoazi akati kuna Rute, “Chimbouya kuno udye chingwa uchichiseva muwaini.” Rute akauya akagara pedyo navakohwi. Bhoazi akamupa mbesanwa dzakakangwa, akadya akaguta zvokutosiyawo zvimwe. 15Rute paakadzokera kundofuhwa, Bhoazi akataurira vakomana vake achiti, “Regai zvenyu mukadzi uyu afuhwe kunyange pazvisote murege kuita chakaipa kwaari chingamufumure. 16Asi musvomhorerei dzimwe hura pazvisote izvozvo, muchimusiyira kuti afuhwe asi musamutsiure.”
17Saka akafuhwa kusvikira manheru ndokubva apura bhari yaakanga afuhwa akawana bhari inorema makirogiramu ainge oda kusvika gumi. 18Akaitakura akaenda nayo kuguta akandoratidza vamwene vake zvaakanga afuhwa. Akavaigirawo zvokudya zviya zvakasara paakadya akaguta. 19Vamwene vake vakati kwaari, “Wafuhwa kupiko nhasi? Waita basa kupi? Ndiani zvake akucheukawo iyeyo?” Akataurira vamwene vake kuti ndokwavani kwaakanga ashanda. Akati, “Zita romurume wokwandashanda nhasi ndiBhoazi.” 20Naomi akati kumuroora wake, “Tenzi ane mwoyochena usingaperi kuvapenyu kana vakafa, ngaakomborere murume iyeyo!” Naomi akatiwo, “Mufungeka murume iyeyo ihama yedu chaiyo yepedyo, mugariwo wedzinhaka dzomumusha medu.”
21Rute muMoabhu uyu akati, “Murume iyeyo anditiwo, ‘Ramba wakati kwati navashandi vangu kusvikira vapedza kukohwa mbesanwa dzangu dzose.’ ” 22Naomi akataurira muroora wake Rute achiti, “Zviri nani mwanangu kuti ushande navasikana vanomushandira ivavo nokuti ukaenda kumunda mumwewo, kungadaro kukawana chakaipa chingaitwe kwauri.” 23Naizvozvo Rute akaramba achifuhwa akati kwati navasikana vaimushandira vacho kudzamara vapedza kukohwa bhari nekoroni, iye achigara zvake navamwene vake.
Currently Selected:
Rute 2: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.