YouVersion Logo
Search Icon

Rute 3

3
III: ZANO ROKUTI RUTE AGARWE NHAKA
Kuronga zvokugara nhaka Rute
1Naomi akataurira muroora wake achiti, “Mwanangu ndafunga zvokukutsvakira kuti uitewo imba yako uwanewo pokunyatsogara. 2Handiti Bhoazi uyu ane varandasikana vawaiva navo; ihama yedu chaiyo. Chiteerera unzwe, usiku hwanhasi achange achiurutsa bhari paburiro riya. 3Naizvozvo zvishambidze, uzore mafuta, uende kuburiro wakapurira hanzu dzako dzakanakisisa. Asi chenjerera kuti iye arege kuziva kuti uripo kusvikira apedza kudya nokunwa. 4Kana Bhoazi ondorara, nyatsocherechedza paanenge arara, ugozoendapo womufukura kumakumbo ake, uvatepo iye achakuudza zvokuita.”
5Rute akapindura achiti, “Ndichaita zvose zvamandiudza.”
6Saizvozvo Rute akaenda kuburiro kuya akaita zvose zvaakaudzwa navamwene vake. 7Kuzoti Bhoazi apedza kudya nokunwa akati zvino ofara, akaenda zvake kundorara munyasi memurwi wembesanwa. Rute akauyapo chinyararire, akamufukura kumakumbo ake akavatapo. 8Pakati pousiku, Bhoazi akapatika, ndokubva atendeuka onei kune mukadzi arere kumakumbo kwake! 9Akati, “Ndiwe ani?” Iye akati, “Ndini Rute muranda wenyu. Regai zvenyu gumbeze renyu rindifukidzewo nokuti ndimi munofanira kundigara nhaka.” 10Iye akabva amuti, “Tenzi ngaakukomborere mwanangu, waratidza kutendeseka, nomwoyochena wawazoita rwendo runo unotopfuura wawakaita pakutanga nokuti hauna kuchiva kuroorwa neachiri mukomana, mupfumi kana murombo. 11Zvino mwanangu, usatye zvako ndichakuitira zvose zvawakumbira nokuti vamwe vangu vose vomuguta rino vanozviziva kuti iwe uri mudzimai ane chiremera. 12Zvino ichokwadi kuti ndiri hama chaiyo yomumba, asi kune mumwe anotova wepedyo kupinda ini. 13Chipedza zvako usiku hwanhasi uri pano. Kana akakugarira nhaka, zvakanaka rega aite saizvozvo, asi kana akaramba kugara nhaka, ndinopika naTenzi mupenyu kuti ini ndinokugara nhaka yacho. Chirara zvako kusvikira mangwana.”
14Saka iye akarara zvake kumakumbo kwake kusvikira mangwanani. Asi akamuka nguva yokuti hawainyatsoziva kuti munhu wauri kuona ndiani nokuti Bhoazi akanga asingade kuti zvizikanwe kuti pane mukadzi akasvika paburiro usiku. 15Akamuti, “Uya nechari yawakafuka uitambanudze.” Rute akabva aitambanudza, Bhoazi akadira mairi bhari inorema makirogiramu anenge makumi maviri. Akamutsiga, akaenda zvake muguta. 16Paakasvika kuna vamwene vake, vakamubvunza kuti, “Zvafamba sei mwanangu?” Iye ndokuvataurirawo zvose zvaakanga aitirwa nomurume iyeyo 17achiti, “Andipa bhari inotokwana makirogiramu anenge makumi maviri achiti, ‘Haungadzokere kuna vamwene vako usina chawakabata mumaoko.’ ” 18Ivo vakati, “Chimira zvako mwanangu kusvikira waona kuti nyaya iyoyi ichasvika papi nokuti murume iyeyu haasiri kuzogara pasi asi achatoigadzirisa chete iye nhasi uno.”

Currently Selected:

Rute 3: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in