Mabasa 2
2
Mweya Mutsvene anodururwa
1Zvino zuva rePendekositi rakati rasvika, vakanga vakaungana vose pamwechete panzvimbo imwechete. 2Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga, kukazadza imba yose mavakanga vagere. 3Vakaonawo marimi achiparadzana, anenge emoto; ndokumhara pamusoro womumwe nomumwe wavo.
4Vose vakazadzwa naMweya Mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi, pavakapiwa napo naMweya kureva.
5Zvino paJerusaremu pakanga pagere vaJudha, varume vakarutama, vaibva kumarudzi ose pasi pedenga. 6Zvino kutinhira uku kwakati kwanzwika, vanhu vazhinji vakaungana, vakakanganiswa, nokuti mumwe nomumwe akavanzwa, vachitaura norurimi rwake.
7Vakakatyamara vose, nokushamiswa, vachiti, “Tarirai, ava vose vanotaura havazi vaGariria here? 8Zvino tinogovanzwa seiko mumwe nomumwe norurimi rwedu, rwatakaberekwa narwo? 9VaPatiya, navaMedhia, navaEramu, navanogara Mesopotamia, neJudhea, neKapadhokia, nePonto, neAsia, 10neFirigiya, nePamufiria, neIjipiti, namativi enyika dzeRibhia, dziri pedyo neKurine, navaeni vabva Roma, navaJudha, vanyakupandukira kuchipinda, 11navaKiriti, navaArabhia, tinovanzwa vachitaura nendimi dzedu mabasa makuru aMwari.” 12Vakakatyamara vose, vakakanganiswa, ndokutaurirana, vachiti, “Izvi zvinoti kudiniko?”
13Asi vamwe vakaseka, vachiti, “Vaguta waini itsva.”
Kuparidza kwaPetirosi
14Zvino Petirosi amire navane gumi nomumwe, akadanidzira, akaparidza kwavari, achiti, “Varume veJudhea, nemi mose mugere Jerusaremu, chinhu ichi ngachizikanwe nemi, muteerere mashoko angu, 15nokuti ava havana kubatwa, sezvamunofunga imi, zvaichiri nguva yechitanhatu yezuva, 16asi ichi ndicho chakarchwa nomuporofita Joeri achiti,
17‘Mwari anoti, namazuva okupedzisira,
Ndichadurura Mweya wangu
pamusoro penyama yose;
Vanakomana venyu navanasikana
venyu vachaporofita;
Majaya enyu achaona zviratidzo,
Navatana venyu vacharota hope.
18Napamusoro pavaranda vangu napamusoro
pavashandiri vangu,
Ndichadurura Mweya wangu
namazuva iwayo; vachaporofita.
19Ndichaita zvinoshamisa kudenga kumusoro,
Nezviratidzo pasi pano;
Ropa, nomoto, nemhute yohutsi.
20Zuva richashandurwa rima,
Nomwedzi uchashandurwa ropa.
Zuva guru raIshe rinobwinya risati rasvika.’
21“Zvino kuchaitika kuti ani naani anodana zita raIshe achaponeswa. 22Varume veIsiraeri, donzwai mashoko awa, Jesu weNazareta, murume akaratidzwa naMwari kwamuri namabasa esimba, nezvishamiso, nezviratidzo zvakaitwa naMwari pakati penyu naye, sezvamunoziva imi mumene; 23iye, akaiswa kwamuri nomutemo nokuziva zviri mberi kwaMwari, imi makamurovera pamuchinjikwa, mukamuuraya namaoko avanhu vasingateereri murayiro; 24iye akamutswa naMwari, amusunungura pakurwadziwa kworufu; nokuti zvakanga zvisingabviri kuti abatwe narwo. 25Nokuti Dhavhidhi akataura pamusoro pake, achiti,
‘Ndakaona Ishe pamberi pangu misi yose,
Nokuti ari kurudyi rwangu,
kuti ndirege kuzununguswa.
26Naizvozvo mwoyo wangu wakafara,
norurimi rwangu rwakafarisisa;
Uyezve, nenyama yangu ichazorora netariro.
27Nokuti hamungasiyi mweya wangu muHadhesi;
Hamungaisi Mutsvene wenyu kuti aone kuora.
28Makandizivisa nzira dzoupenyu;
Muchandizadzisa nomufaro ndichiona chiso chenyu.’
29“Varume, hama, ndingakuudzai pachena zvatateguru Dhavhidhi, kuti vakafa, vakavigwa, bwiro hwavo huri pakati pedu kusvikira nhasi. 30Zvino zvaakanga ari muporofita, achizivawo kuti Mwari akamupikira nemhiko kuti achagadza pachigaro chake choushe mumwe wezvibereko zvechiwuno chake, 31zvaaiona zviri mberi, akareva pamusoro pokumuka kwaKristu, kuti haana kuora. 32Uyu Jesu akamutswa naMwari, isu tiri zvapupu zvake tose.
33“Zvino akati asimudzirwa kurudyi rwaMwari, apiwa naBaba chipikirwa chaMweya Mutsvene, akadurura izvi zvamunoona nezvamunonzwa. 34Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi anoti amene,
‘Ishe akati kuna Ishe wangu,
Gara kurudyi rwangu,
35Kusvikira ndichiita
vavengi vako vave
chitsiko chetsoka dzako.’
36“Zvino imba yose yavaIsiraeri ngaizive kwazvo, kuti uyu Jesu wamakarovera pamuchinjikwa, Mwari akamuita Ishe naKristu.”
37Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo, vakati kuna Petirosi nokuna vamwe vapostori, “Varume, hama, tichaiteiko?”
38Petirosi akati kwavari, “Tendeukai, mumwe nomumwe wenyu abhabhatidzwe nezita raJesu, kuti muregererwe zvivi, mupiwe chipikirwa choMweya Mutsvene. 39Nokuti chipikirwa ndechenyu, navana venyu, navose vari kure, vanozodanwa naIshe, Mwari wedu.”
40Akapupura kwazvo namamwe mashoko mazhinji, akavarayira, achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakakombama.” 41Zvino avo vakagamuchira shoko rake, vakabhabhatidzwa; nezuva iro vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa. 42Vakatsungirira pakudzidzisa kwavapostori, napakuyanana kwavo, napakumedura chingwa, napaminyengetero.
43Vanhu vose vakabatwa nokutya; zvinoshamisa zvizhinji nezviratidzo zvikaitwa navapostori. 44Navaitenda vose, vaiva pamwechete, vakati zvinhu zvose ndezvavose; 45vakatengesa pfuma yavo nenhumbi, vakagovana navose, mumwe nomumwe paakashayiwa napo. 46Zuva rimwe nerimwe vakanga vachitsungirira mutemberi nomwoyo mumwe, vachimedura chingwa mudzimba dzavo, vachidya zvokudya zvavo nomufaro nomwoyo wakanaka, 47vachirumbidza Mwari, vachidikanwa navanhu vose. Ishe akawedzera kwavari zuva rimwe nerimwe avo vaiponeswa.
S'ha seleccionat:
Mabasa 2: SNA2002
Subratllat
Comparteix
Copia
Vols que els teus subratllats es desin a tots els teus dispositius? Registra't o inicia sessió
© Shona Union Version 2002