Mabasa 3

3
Munhu chirema anoporeswa naPetirosi naJohani
1Zvino Petirosi naJohani vakakwira kutemberi nenguva yokunyengetera yepfumbamwe. 2Zvino mumwe murume, chirema kubva padumbu ramai vake, akanga achitakurwa; vaimuisa zuva rimwe nerimwe pasuo wetemberi, wainzi Wakanaka, kuti akumbire zvipo kuna vaipinda mutemberi. 3Iye akati achiona Petirosi naJohani voda kupinda mutemberi, akakumbira kuti apiwe chipo.
4Zvino Petirosi akamutarisisa, naJohaniwo, akati, “Titarire.” 5Akavatarira, achiti ndichapiwa chinhu navo. 6Asi Petirosi akati, “Sirivha nendarama handina; asi chandinacho ndinokupai. Nezita raJesu weNazareta, chifamba.” 7Akamubata ruoko rworudyi, akamusimudza; pakarepo tsoka dzake nezviziso zvetsoka dzake zvakasimba. 8Akakwakuka, akamira, ndokufamba; ndokupinda navo mutemberi, akafamba achipembera, achirumbidza Mwari. 9Vanhu vose vakamuona achifamba, achirumbidza Mwari. 10Vakamuziva, kuti ndiye aigarira zvipo pamusuo Wakanaka wetemberi; vakakatyamara zvikuru nokushamiswa nezvaakaitirwa.
Kuparidza kwaPetirosi
11Zvino akati achakabata Petirosi naJohani, vanhu vose vakamhanyira kwavari pabiravira, rainzi raSoromoni, vakashamiswa kwazvo. 12Zvino Petirosi akati achiona izvozvo, akapindura vanhu, akati, “Varume vaIsiraeri, mashamiswa neiko pamusoro pouyu? Munotitarisisa neiko, setinenge tamufambisa nesimba redu, kana nokunamata kwedu Mwari? 13Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, Mwari wamadzibaba edu, ndiye akakudza Muranda wake Jesu, amakaisa kuvatongi mukaramba pamberi paPirato, iye atonga kuti asunungurwe. 14Asi imi makaramba uyo Mutsvene, akarurama, mukakumbira kuti mupiwe muurayi; 15mukauraya Muvambi woupenyu; iye akamutswa naMwari kuvakafa; iye, watiri zvapupu zvake isu. 16Nokutenda kuzita rake, zita rake rakasimbisa munhu uyu wamunoona, nowamunoziva; uye, kutenda kunobva kwaari, ndiko kwakamuporesa zvakanaka kudai pamberi penyu mose.
17“Asi zvino, hama dzangu, ndinoziva kuti makazviita nokusaziva, savabati venyuwo; 18asi saizvozvo Mwari akapedzisa zvaakamboreva nomuromo wavaporofita vose, kuti Kristu wake achazotambudzika. 19Naizvozvo tendeukai, mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokusimbiswa dzinobva kuna Ishe, dzisvike; 20atume Kristu, iye Jesu, akagadzwa kare nokuda kwenyu; 21iye anofanira kugamuchirwa kudenga kusvikira nguva yokugadzirwa kwezvinhu zvose, yakarehwa naMwari nomuromo wavaporofita vake vatsvene kubva pakutanga. 22Nokuti Mosesi akati, ‘Ishe, Mwari wenyu, achakumutsirai Muporofita pakati pehama dzenyu, akafanana neni; muchamuteerera panazvose, zvaanotaura kwamuri. 23Zvino mumwe nomumwe kana asingateereri Muporofita uyo, achaparadzwa kwazvo pakati pavanhu.’ 24Navaporofita vose kubva kuna Samueri, navakamutevera, naivo vose vakataura nokuparidza zvamazuva ano. 25Imi muri vana vavaporofita, navesungano, yakaitwa naMwari namadzibaba enyu, achiti kuna Abhurahamu, ‘Marudzi ose enyika acharopafadzwa muvana vako.’ 26Mwari akatanga kukumutsirai imi Muranda wake, akamutuma kukuropafadzai, achidzora mumwe nomumwe wenyu pazvakaipa zvenyu.”

S'ha seleccionat:

Mabasa 3: SNA2002

Subratllat

Comparteix

Copia

None

Vols que els teus subratllats es desin a tots els teus dispositius? Registra't o inicia sessió