1
Mako 9:23
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
Jesu akati kwaari, “Kana iwe uchigona kutenda, zvose zvingaitika kuna anotenda.”
Bandingkan
Telusuri Mako 9:23
2
Mako 9:24
Pakarepo baba vomwana vakachema, vachiti, “Ndinotenda, ndibatsirei pakusatenda kwangu.”
Telusuri Mako 9:24
3
Mako 9:28-29
Zvino akati apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari voga vachiti, “Isu takanga tisingagoni neiko kuubudisa?” Akati kwavari, “Rudzi urwu harungatongobudi, asi nokunyengetera.”
Telusuri Mako 9:28-29
4
Mako 9:50
“Munyu wakanaka; asi kana munyu usichavavi, mungaurunga neiko? Ivai nomunyu mukati menyu, mugare norugare pakati penyu.”
Telusuri Mako 9:50
5
Mako 9:37
“Ani naani anogamuchira mumwe wavaduku vakadai nezita rangu, anondigamuchireni; ani naani anondigamuchira ini, haagamuchiri ini, asi uya akandituma.”
Telusuri Mako 9:37
6
Mako 9:41
Nokuti ani naani anokunwisai mukombe wemvura muzita rangu, nemhaka yokuti muri vaKristu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haana kurasikirwa nomubayiro wake.
Telusuri Mako 9:41
7
Mako 9:42
“Ani naani anogumbusa mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri, zviri nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe mumutsipa wake, akandirwe mugungwa.
Telusuri Mako 9:42
8
Mako 9:47
Kana ziso rako richikugumbusa, urirase; zviri nani kwauri kuti upinde muushe hwedenga une ziso rimwe, pakukandirwa muGehena, una meso maviri.
Telusuri Mako 9:47
Beranda
Alkitab
Rencana
Video