Mavambo 8
8
Kupera kwamafashamo emvura
1Mwari akazorangarira Nowa nezvipenyu zvose nezvipfuwo zvese zvaaiva nazvo mungarava, saka Mwari akaita kuti mhepo ivhuvhute pasi pose mvura ikabva yava kuserera. 2Zvisipiti zviya zvapasipasi namahwindo edenga zvakamiswa kubudisa mvura, mvura yokunaya ikagasa, 3mvura ndokuramba ichiserera pasi pose. Kwamazuva zana namakumi mashanu mvura yaingoserera. 4Zvino mumwedzi wechinomwe pamusi wegumi nechinomwe womwedzi iwoyo, ngarava yakagara pamakomo eArarati. 5Mvura yakaramba ichingoserera kusvikira pamwedzi wegumi. Zvino mumwedzi wegumi, pazuva rokutanga rawo, misoro yamakomo yakaonekwa.
6Kuzoti kwapera mazuva makumi mana, Nowa akazurura hwindo rengarava riya raakagadzira. 7Akatuma gunguo asi rakaramba richidzengerera zvaro kusvikira mvura yapwa panyika. 8Akazotumawo njiva achida kuziva kuti mvura yapwa here panyika. 9Asi njiva yakashaya pokumhara, ikadzokera kungarava nokuti mvura yakanga ichiripo panyika. Akaburitsa ruoko akaibata ndokuidzosera mungarava. 10Akagara mazuva manomwe ndokuburitsazve njiva iya mungarava. 11Ava manheru njiva yacho yakadzokera kwaari yakaruma pamuromo wayo shizha nyoro romuorivhi richangobva mukutanhwa. Saka Nowa akaziva kuti mvura yapwa panyika. 12Akagara mamwe mazuva manomwe ndokuburitsazve njiva iya, asi haina kuzodzokerazve kwaari.
13Pazuva rokutanga, mumwedzi wokutanga wegore rechimazana matanhatu ane gore rimwechete raNowa rokuberekwa, mvura yakanga yapwa panyika. Nowa akabvisa denga rengarava akaona kuti mvura yakanga yapwa panyika uye pakaoma pava kutoonekwa. 14Pazuva rechimakumi maviri namanomwe romwedzi wechipiri nyika yakanga yanyatsoti gwa kuoma.
15Mwari akataurira Nowa kuti, 16“Chibuda zvako mungarava iwe nomudzimai wako navanakomana vako navaroora vako. 17Ubudewo nezvinhu zvipenyu zvose zvaunazvo zvinoti, mhuka dzose neshiri nezvipfuwo nezvose zvinokambaira nezvinozvova napasi, zviite zararira kuwanda panyika, zviberekane zviwande panyika.” 18Saka Nowa nomudzimai wake navanakomana vake navaroora vake vakabuda. 19Mhuka dzose nezvose zvinokambaira nezvinozvova napasi neshiri dzose nezvose zvinofamba panyika zvakabuda mungarava zviri mhando nemhando.
Nowa anopira chibayiro
20Nowa akavakira Tenzi atari. Akatora mhuka imwechete pamhando yoga yoga yemhuka neyeshiri dzisina kun'ora, akapira mipiro yokupisa paatari. 21Tenzi akanzwa kunhuhwirira kwayo akati nechemumwoyo, “Handichazorega nyika ichiwirwa norushambwa pamusana pomunhu, nokuti ndangariro dzomwoyo womunhu dzakaipa kubvira pauduku hwake. Handichazomboparadzazve zvinhu zvipenyu zvose sezvandakaita rwendo runo.
22“Kana pasi richiripo,
mwaka wokudyara nowokukohwa,
wokutonhora nowokudziya,
wezhizha nowechando,
nguva yamasikati nousiku,
zvichagara zviripo.”
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mavambo 8: SCLBC
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.