1
Mavambo 15:6
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Abhuramu akatenda Tenzi zvikaita kuti Tenzi amuti akarurama.
Харьцуулах
Mavambo 15:6 г судлах
2
Mavambo 15:1
Mushure maizvozvi zvose, Abhuramu akaona chiratidzo akanzwa izwi raTenzi richiti, “Usambotya zvako Abhuramu. Ndini nhoo yako yokukudzivirira. Mubayiro wako uchava mukuru kwazvo.”
Mavambo 15:1 г судлах
3
Mavambo 15:5
Mwari akabuda naye panze akati, “Tarisa kudenga uverenge nyenyedzi kana uchikwanisa kudziverenga.” Ndokuti, “Ndiko kuwanda kuchaita vana vako.”
Mavambo 15:5 г судлах
4
Mavambo 15:4
Ipapo akanzwa izwi raTenzi richiti, “Munhu wauri kutaura uyu haasi iye achadya nhaka yako. Mwana wako chaiye wokubereka ndiye achadya nhaka yako.”
Mavambo 15:4 г судлах
5
Mavambo 15:13
Ipapo Tenzi akati kuna Abhuramu “Ndinoda kuti unyatsoziva izvi zvokuti, vana vako vachava vatorwa munyika isiri yavo. Ikoko vachange vari varanda vachibatwa zvakaipa kwamazana mana amakore.
Mavambo 15:13 г судлах
6
Mavambo 15:2
Asi Abhuramu akati, “Nhai Mwari Tenzi, zvamuchandipa zvichandibatsirei ndichidai kufamba zvangu ndisina kana mwana? Iyeka Ereazari wokuDhamasikusi ndiye achadya zvake nhaka yacho yomumba mangu.”
Mavambo 15:2 г судлах
7
Mavambo 15:18
Pazuva iroro Tenzi akaita chitenderano naAbhuramu achiti, “Ndapa kuvana vako nyika ino inobvira mukakova keIjipiti kundosvika kurwizi rukuru, muna Yufuratesi.
Mavambo 15:18 г судлах
8
Mavambo 15:16
Vachadzokera kuno panguva yechizvarwa chavo chechina nokuti uipi hwavaAmori hahusati hwasvika pakundifinha.”
Mavambo 15:16 г судлах
Нүүр хуудас
Библи
Тѳлѳвлѳгѳѳ
Видео