Johani 4
4
Jesu nomukadzi wechiSamaria
1Jesu paakaziva kuti vaFarisei vakanga vanzwa kuti Jesu ari kuwana vadzidzi vazhinji uye kuti ari kuombeka vadzidzi vakawanda kupinda Johani 2kunyange zvazvo Jesu pachake akanga asingaombeki asi vadzidzi vake. 3Akabva abva kuJudhea akaendazve kuGarirea. 4Aifanira kutopfuura nomuSamaria. 5Nezvo akasvika nomuguta reSamaria rinonzi Sukari riri pedyo nomunda wakapa Jakobho kuna Josefi mwana wake. 6Ipapo paiva netsime raJakobho naizvozvo Jesu zvaakanga aneta nerwendo rwake akagara pedyo netsime iroro. Yakanga iri nguva yokunge zuva rorova panhongonya. 7Pakauya mumwe mukadzi wechiSamaria? Ipapo kuzoteka mvura. Jesu akati kwaari, “Ndipewo mvura yokunwa.” 8Izvozvo vadzidzi vake vakanga vaenda muguta kundotenga chokudya. 9Mukadzi uya wechiSamaria akati kwaari, “Zvauya sei kuti imi muJudha mukumbire mvura yokunwa kuneni mukadzi wechiSamaria.” Aidaro nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria. 10Jesu akamupindura achiti:
“Dai wanga uchiziva kuti Mwari ari kuda kukupei
uye kuti ndiani ari kukuti ndipewo mvura yokunwa,
ungatodai uriwe wamukumbira
iye achikupa mvura mhenyu.”
11Mukadzi uya akati kwaari, “Changamire inga hamuna chokuchera nacho wani uye tsime rakadzika iyo mvura mhenyu yacho munoiwanepi? 12Muri mukuru here pana Baba vedu Jakobho akatipa tsimwe iri naivoo pachavo vakanwa mariri navana vavo nezvipfuwo zvavo?” 13Jesu akati kwaari,
“Munhu anonwa mvura iyi achava nenyotazve.
14Asi munhu wose anonwa mvura yandinomupa,
haambofa akaita nyotazve,
mvura yandichamupa
ichava chisipiti chemvura maari
inoramba ichibvinina#4:14 Dzinina kana kuti tsinhina. kusvikira kuupenyu husingaperi.”
15Mukadzi akati kwaari, “Changamire ndipeiwo zvangu mvura iyoyo, kuti ndirege kuva nenyota zvakare kana kuzouya kuno kuzoteka mvura.”
16Jesu akamuti, “Enda undodana murume wako uuye kuno.” 17Mukadzi akamupindura achiti, “Handina murume ini.” Jesu akati kwaari, “Wataura zvakanaka kuti, ‘Handina murume,’ 18nokuti wakamboita varume vashanu uye wauinaye zvino haasi murume wako. Apo wataura chokwadi. 19Mukadzi ndokuti kwaari, ‘Changamire ndaona kuti muri muporofita.’ 20Madzitateguru edu akanamata pagomo rino iri asi imi munoti: ‘MuJerusaremu ndimo munzvimbo munofanira kunamatirwa vanhu vari.’ ” 21Jesu akati kwaari,
“Mukadzi iwe tenda zvandiri kutaura,
nguva iri kuuya yamusingazonamati
Baba mugomo rino iri kana muJerusaremu.
22Imi munonamata chamusingazivi.
Asi isu tinonamata chatinoziva
nokuti ruponeso runobva kuvaJudha.
23Asi nguva iri kuuya uye yatosvika ichanamatwa Baba
navanamati vechokwadi vanomunamata muMweya nomuchokwadi
nokuti Baba vanotsvaka vakadai kuti vavanamate.
24Mwari mweya; saizvozvo, vanomunamata
vanofanira kumunamata muMweya nomuchokwadi.”
25Mukadzi uya akati kwaari, “Ndinoziva kuti Mesia ari kuuya iye anonzi Kristu. Kana auya achatiratidza zvinhu zvose.” 26Jesu akati kwaari, “Iyeni ndiri kutaura kwauri ndini iye.”
27Ipapo ndipo pakabva pauya vadzidzi vake. Vakashamiswa kuti aitaura nomunhukadzi. Asi hapana akati, “Munodei kwaari?” Kana kuti, “Munotaurirei naye?”
28Naizvozvo mukadzi uya akasiya chirongo chake akaenda muguta akati kuvanhu, 29“Uyai muone munhu anditaurira zvose zvandakaita. Angave iye Kristu here?”
30Vanhu vakabuda muguta vachienda kwaari. 31Izvozvo vadzidzi vake vakanga vachimunyengetedza vachiti, “Rabhi chimbodyai.” 32Asi iye akavati, “Ndine chokudya chamusingazivi.” 33Naizvozvo vadzidzi vakataurirana vachiti, “Pane amuunzira chokudya here?” 34Jesu akati kwavari,
“Zvokudya zvangu kuita zvinodiwa naiye akandituma
uye kupedza basa rake.
35Handiti munoti, ‘Kwasara mwedzi mina
kukohwa kwobva kwauya?’
Asi ini ndinoti kwamuri,
‘Simudzai musoro muone kuti
minda yatsvuka, yoda kukohwiwa.
36Mukohwi ava kuwana mubayiro wake
uchaunganidza muchero
wokuupenyu husingaperi
zvokuti mudyari nomukohwi vafare pamwechete.’
37Pano apa tsumo iya inotaura chokwadi
inoti, ‘Mumwe mudyari, mumwe mukohwi.’
38Ndakakutumai kundokohwa zvamusina kushandira;
vamwe ndivo vakashanda;
imi mukapinda mumubayiro webasa ravamwe.”
39VaSamaria vazhinji vaibva muguta iroro vakatenda maari pamusana pouchapupu hwomudzimai uya akati “Wanditaurira zvose zvandakaita.” 40Naizvozvo vaSamaria pavakauya kwaari vakamukumbira kuti ambogara navo. Akagaramo kwamazuva maviri. 41Vamwe vazhinjiwo vakatenda nokuda kwamazwi ake. 42Vakati kumudzimai uya, “Zvino hatitendi pamusana pamazwi ako nokuti isu tazvinzwira toga. Tavakuziva kuti zvechokwadi uyu ndiye Muponesi wapasi pose.”
Jesu akarapa mwana wegurukota rehurumende
43Mushure memazuva maviri aya akaenda kuGarirea. 44Iye Jesu pachake akanga ambopupurawo kuti, “Muporofita haaremekedzwi munyika make.” 45Paakasvika kuGarirea, vaGarirea vakamugamuchira nokuti vakanga vaona zvose zvaakaita kuJerusaremu pamazuva makuru nokuti naivowo vakanga vaenda kumazuva makuru iwayo. 46Akaendazve kuKana yokuGarirea kwaakanga asandura mvura ikava waini. KuKapenaumu kwaiva negurukota rairwarirwa nomwana mukomana. 47Murume uyu paakanzwa kuti Jesu akanga auya kuGarirea achibva kuJudhea akaenda akandomukumbira kuti auye azoporesa mwanakomana wake nokuti akanga avapedyo nokufa. 48Saizvozvo akati kwaari, “Kana musina kuona zviratidzo nezvishamiso hamutendi.” 49Gurukota riya rakati kwaari, “Changamire uyai mwana wangu asati afa.” 50Jesu akati, “Chiendai zvenyu mwana wenyu achararama.” Murume uya akadavira zvaakaudzwa naJesu akabva aenda. 51Paakanga avakudzika vashandi vake vakasangana naye vakamuudza kuti, “Mwana wake akanga ararama.” 52Naizvozvo akabvunza nguva yaakatangisa kuita zvakanaka. Vakati kwaari, “Denda rakamusiya nezuro panguva dzahwani masikati.#4:52 Nguva dzahwani masikati: MuchiGiriki vanoti paawa yechinomwe.” 53Baba ava vakabva vazviziva kuti ndiyo nguva iya Jesu yaakataura kuti Mwana wenyu achararama. Naizvozvo iye pamwechete nevemhuri yake yose, akatenda.
54Ichi ndicho chiratidzo chechipiri chakaitwa naJesu paakabva kuJudhea achiuya kuGarirea.
Одоогоор Сонгогдсон:
Johani 4: SCLBC
Тодруулга
Хуваалцах
Хувилах
Тодруулсан зүйлсээ бүх төхөөрөмждөө хадгалмаар байна уу? Бүртгүүлэх эсвэл нэвтэрнэ үү
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.