Johani 1
1
A: MAZWI OKUSUMA
Ukama huri pakati paJesu naMwari navanhu nezvisikwa zvose
1Pakutanga Izwi akanga atovapo; Izwi iyeyo akanga ari pamwechete naMwari; Izwi akangawo ari Mwari. 2Kubvira pakutanga, iye akanga ari pamwechete naMwari. 3Zvinhu zvose zvakaitwa nemaari; hapana chisikwa chisina kusikwa naiye. 4Maari makanga muino upenyu; upenyu ihwohwo hwakanga huri chiedza chavanhu 5chiedza chinovhenekera murima uye rima harina kuchikurira.
6Kwakazova nomunhu akatumwa naMwari, zita rake ainzi Johani. 7Uyu akauya kuzopa uchapupu achipupurira chiedza, kuti vanhu vose vatende maari. 8Iye akanga asiri chiedza, asi akauya kuzopupurira chiedza achiti 9chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu wose, chiri kuuya pasi pano.
1010 Iye akava pasi pano uye pasi pakasikwa nemaari asi pasi hapana kumuziva. 11Akauya kunyika yokwake#1:11 Nyika yokwake: ChiGiriki chacho chinogona kuturikirwa chichinzi kumusha kwake, zvichireva Isiraeri kana kuti Jerusaremu. vokwake havana kumugamuchira. 12Asi vose vakamugamuchira vakatenda muzita rake akavapa simba rokuva vana vaMwari 13vasina kuberekwa nokuda kwoukama hweropa kana kuti nezvinodiwa nenyama. Kana nechido chomurume asi nokuda kwaMwari. 14Izwi akava munhu anenyama akagara pakati pedu azere nyasha nechokwadi. Takaona mbiri yake inokodzerana nomwana oga waBaba.
1515 Johani akamupupurira akadaidzira achiti, “Uyu ndiye wandaiti, ‘Uyo achauya mushure mangu, mukuru kwandiri nokuti akavapo ndisati ndavapo.’ ” 16Kubva mumafashafasha enyasha dzake, takapiwa tose nyasha pamusoro pedzimwe nyasha. 17Mutemo wakapiwa nokuna Mosesi nyasha nechokwadi zvikauya nokuna Jesu Kristu. 18Hakuna akamboona Mwari asi Mwanakomana mumwechete waMwari iye wapamwoyo paBaba ndiye akaita kuti vazivikanwe kuvanhu.
B: ZVIRATIDZO ZVAJESU
I: BASA RAJESU (ROKUPARIDZA)
A: Svondo rokutanga
Uchapupu hwaJohani
(Mat 3:1–12; Mak 1:2–8; Ruka 3:1–18)
19Uhu ndihwo uchapupu hwaJohani, vaJudha pavakatuma vapristi navaRevhi kwaari vachibva kuJerusaremu kundomubvunza kuti: “Ndiwe ani?” 20Akataura pachena; haana kuvanza; akataura pachena achiti, “Ini handisini Kristu.” 21Vakamubvunza vachiti, “Ko zvino, ndiwe Eriya here?” “Handisini iye. Ndiwe muporofita uya airehwa here?” Iye akati, “Handisini.” 22Zvino vakati kwaari, “Ko ndiwe ani tinoda mhinduro kwauri yokupa vatituma; unozviti ani iwe?” 23Akati: “Ndini izwi rouya anodanidzira murenje richiti, ‘Ruramisai nzira yaTenzi sokutaura kwomuporofita Isaya.’ ”
24Zvino vakanga vatumwa vaya vaibva kuvaFarisei, 25vakamubvunza kuti, “Ko zvino uri kuombekerei kana usiriwe Kristu kana Eriya kana muporofita uya?” 26Johani akavapindura kuti, “Ndinoombeka nemvura asi pakati penyu pane mumwe wamusingazivi. 27Iyeyo anouya mushure mangu, ini handikodzeri kusunungura tambo dzeshangu dzake.” 28Izvi zvakaitika kuBhetania iri kumhiri kwaJorodhani kwaiombeka Johani.
Hwayana yaMwari
29Ramangwana acho, Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarisai muone hwayana yaMwari inobvisa chitadzo chapasi. 30Uyu ndiye wandaitaura nezvake ndichiti, ‘Mushure mangu muchauya munhu mukuru kupinda ini nokuti akanga aripo ini ndisati ndavapo.’ 31Ini handina kunge ndichimuziva; asi ndizvo zvandakavinga ndichiombeka nemvura, kuti aziviswe kuIsraeri.” 32Johani akapa umboo uhu hwokuti, “Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva akasvikogara paari. 33Ini pachezvangu ndakanga ndisingamuzivi asi uyo akandituma kuti ndiombeke nemvura akanditi, ‘Uyo waunoona Mweya achiburukira paari, achigara paari iyeyo ndiye anoombeka naMweya Mutsvene.’ 34Ini ndakazviona uye ndinopupura kuti uyu Mwanakomana waMwari.”#1:34 Mwanakomana waMwari: Vamwe vanoti musarudzwi waMwari.
Vadzidzi vaJesu vokutanga
35Ramangwana rachozve Johani akanga amire navadzidzi vake vaviri; 36akatarisa Jesu achifamba akati, “Tarisai muone Hwayana yaMwari.” 37Vadzidzi vaviri vaya vakamunzwa achitaura izvi vakabva vatevera Jesu. 38Jesu akatendeuka akavaona vachitevera akavati, “Muri kutsvakeiko?” Ivo vakati kwaari, “Rabhi,” (zvinoreva kuti mudzidzisi) “Munogara kupiko?” 39Iye akati kwavari, “Uyai muzoona.” Vakauya vakaona paaigara vakagara naye zuva iroro, izvozvo yakanga iri awa yechigumi.#1:39 Inguva iri kunzi neBhaibhiri awa yechigumi (10th hour) zvichireva 4 kumasikati.
40Andireya munun'una waSimoni Pita ndiye mumwe wavadzidzi vaviri vaya vakanzwa Johani achitaura vakamutevera. 41Akatanga kuwana Simoni akamuti, “Tawana Mesia zvinoreva kuti Kristu.” 42Akauya naye kuna Jesu. Jesu akamutarisa akati, “Iwe unonzi Simoni Mwanakomana waJohani zvino uchanzi Kefasi,” (zvinoreva kuti Pita).
Jesu anodaidza Firipi naNatanieri
43Ava mangwana Jesu akafunga zvokuenda kuGarirea ndokuwana Firipi akamuti, “Nditevere.” 44Zvino Firipi aibva kuBhetisaidha guta ravanaAndireya naPita. 45Firipi akawana Natanieri akati kwaari, “Taona munhu uya akanyorwa nezvake naMosesi muMutemo noMuvaporofita, anonzi Jesu anobva kuNazareti mwanakomana waJosefi.” 46Natanieri akamuti, “Chiiwo chakanaka chingabve kuNazareti?” Firipi akati kwaari, “Uyaka uone.” 47Jesu akaona Natanieri achiuya kwaari akataura nezvake achiti, “Houno muIsiraeri chaiyeiye, asina unyengedzi maari.” 48Natanieri akati, “Ko mandiziva sei?” Jesu akamupindura achiti, “Firipi asati akudaidza, zviya uri pasi pomukuyu ndatenge ndakuona.” 49Natanieri akamupindura achiti, “Rabhi imi ndimi Mwanakomana waMwari, ndimi mambo weIsiraeri.” 50Jesu akamupindura achiti, “Watenda pamusana pezvandati ndakuona uri pasi pomukuyu uchaona zvinhu zvikuru kupinda izvi.” 51Akati kwaari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri muchaona denga rakazaruka vatumwa vaMwari vachikwira nokuburuka nechapamusoro pomwanakomana womunhu.”
Одоогоор Сонгогдсон:
Johani 1: SCLB
Тодруулга
Хуваалцах
Хувилах
Тодруулсан зүйлсээ бүх төхөөрөмждөө хадгалмаар байна уу? Бүртгүүлэх эсвэл нэвтэрнэ үү
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.