Mayererano neYouVersion
Zvazvinobatsira
Kare kare, vanhu vaisava nenzira iri nyore yekuwana Bhaibheri. Mazuvano zvinhu hazvisisina kudaro. Kunyange zvakadaro, vanhu vazhinji vanogona kuwana Bhaibheri vanofunga kuti zvarinotaurwa hazvishande muupenyu hwavo. Nenguva imweyo, kunevamwe vanotenda kuti peBhaibheri rinechekuita neupenyu hwavo hwemazuva ose.
Chimurenga chemashoko
Mumakore makumi apfuura, Internet yaunza chimurenga chakanaka chinobatsira vanhu chaizvo. Nekuti tavekukwanisa kuisa muso pamwe, kutaura zvatinofunga nekunyora zvinooneka nevamwe, zvavenyore kugova zvatinofunga neShoko raMwari nevanhu pasi rose.
YouVersion
Kubvira payakatanga muna 1996, chinangwa cheLife.Church chaive chiri chekutungamirira vanhu kuti vave vateveri vaKristu vakazvipira zvizere. Mukuita kudaro, takatsvaka nzira itsva dzokubetsera vanhu kubatanidza Bhaibheri muhupenyu hwavo hwezuva nezuva. Nzira dzedu dzakashanduka nekufamba kwemakore sezvo takabatanidza matekinoroji akasiyana siyana uye mazano. Asi chinonyanya kukosha, pfungwa dzedu dzinoramba dziri pakushanda kwatinoita sezvatinoramba tichiedza kuratidza uye kudzidzisa vanhu kuti Shoko raMwari rinoshanda sei kumunhu wese, pasinei nokuti ari kupi muhupenyu. YouVersion inomiririra muganhu mutsva mukuedza kweLife.Church. Hatisi kungovaka mudziyo wekukanganisa nyika tichishandisa tekinoroji yeunyanzvi, zvakanyanya kukosha, tiri kubatanidza vanhu muukama naMwari pavanoona kukosha kunoita Bhaibheri muhupenyu hwavo.