1
I Petro 5:7
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kandirai pamsoro pake kufuŋganya kwenyu kwose, nokuti iye unokuceŋgetai.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
I Petro 5:10
Ɀino Mŋari wenyasha dzose, iye wakakuɗanirai kukubginya kwake kusiŋgaperi munaKristu, kana mambotambudzika kaŋguʋa kaɗuku, ucakukwanisai, nokukumisai, nokukusimbisai, nokukuteyai.
3
I Petro 5:8-9
Ȿinurai, murinde; muʋeŋgi wenyu Diaborosi, unofamba‐famba seshumba inorira, icitȿaka waiŋgaparadza. Mumudziʋisei, makamira nesimba pakutenda, muciziʋa kuti kutambudzika ikoko kunoitirwa hama dzose dziri panyika.
4
I Petro 5:6
Naiɀoɀo ɀininipisei pasi poruʋoko runesimba rwaMŋari, kuti akukudzei neŋguʋa yakafanira
5
I Petro 5:5
Saiɀoɀo imi ʋaɗuku, muɀiise pasi paʋakuru, nemi mose pfekai kuɀininipisa mumŋe kunomumŋe, nokuti Mŋari unodziʋisa ʋanoɀikudza, asi unopa nyasha ʋanoɀininipisa.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo