1
II Petro 3:9
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ishe haanonoki kuita seɀaakapikira, seɀinoreʋa ʋamŋe ʋaciti: Hunonoka; asi unomŋoyo murefu kwamuri, nokuti haaɗi kuti ʋamŋe ʋarashike, asi kuti ʋose ʋatendeʋuke.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
II Petro 3:8
Asi ʋaɗikanwa, musakaŋganwa cinhu cimŋe ici, kuti kunaShe zuʋa rimŋe rakaita samakore anecuru, namakore anecuru sezuʋa rimŋe.
3
II Petro 3:18
Asi kurai panyasha napakuziʋa Ishe weɗu, Muponesi Jesu Kristu. Ŋgaaʋe nokubginya ɀino, nokusiŋgaperi. Ameni.
4
II Petro 3:10
Asi zuʋa raShe ricaʋuya sembava; naro ɗeŋga ricapfuʋura nokutinhira kukuru, neɀeɗeŋga ɀicaparadzwa ɀicipiswa, nenyika namaɓasa ari mairi acapiswa.
5
II Petro 3:11-12
Iɀi ɀose ɀaɀicaparadzwa saiɀoɀo, imi munofanira kuʋa ʋanhu ʋakaɗiniko pamufambire wenyu mutȿene nokunamata Mŋari, imi munotarira nokushuʋa ʋo kwaɀo kuʋuya kwezuʋa raMŋari; naro ɗeŋga ricaparadzwa nokutȿa, neɀeɗeŋga ɀicanyauka ɀicipiswa.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo