1
Mateo 23:11
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi mukuru pakati penyu ŋgaaʋe muranda wenyu.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mateo 23:12
Aninani unoɀikudza ucaninipiswa, naaninani unoɀininipisa, ucakudzwa.
3
Mateo 23:23
Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti munopa cegumi ceminte, neanise, nekumini, mucirega ɀinhu ɀikuru ɀomurairo, ɀinoti: Kururamisira mhaka, neŋgoni, nokutendeka; maifanira kuɀiita iɀi, nokusarega kuita iɀoɀo.
4
Mateo 23:25
Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti munonatsa kunze kwomukombe nendiro, asi mukati muzere nokukara nokusaɀidzora.
5
Mateo 23:37
Jerusarema! Jerusarema! iwe unoʋuraya ʋaprofita, nokutaka namabge aʋo ʋakatumŋa kwauri! Ndakaŋga ndiciɗa kazhinji sei kuʋuŋganidza ʋana ʋako, semhambo inoʋuŋganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba!
6
Mateo 23:28
Saiɀoɀo nemi ʋo munoʋonekwa naʋanhu kunze kwenyu makaita samakarurama, asi mukati muzere nokunyeŋgera nokuipa.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo