1
2 Pita 3:9
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Tenzi haanonoki nezvechitsidzo chake sokufunga kunoita vamwe, asi ari kutoita mwoyo murefu kwamuri asingadi kuti ani naani zvake aparare asi kuti vose vasvike pakutendeuka.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
2 Pita 3:8
Asi musakanganwe izvi, vadikanwi, zvokuti, pana Tenzi, zuva rimwechete rakangoita sechuru chamakore uye kuti churu chamakore chakangoita, sezuva rimwechete.
3
2 Pita 3:18
Asi rambai muchingokura munyasha noruzivo rwaTenzi wedu noMuponesi Jesu Kristu. Iye ngaarumbidzwe zvino nokusingaperi. Ameni.
4
2 Pita 3:10
Asi Zuva raTenzi richauya sembavha. Ipapo matenga achapfuura neruzha rukuru, zvomudenga zvichashikitiswa nomoto uye nyika nezvose zvakaitwa pairi zvichapiswa.
5
2 Pita 3:11-12
Zvino zvinhu zvose izvi zvazvichaparadzwa kudai, munosungirwa kuva vanhu vakaita sei pakuva vatsvene napakunamata kwenyu Mwari makamirira muchisuwira kuuya kweZuva raMwari richazoita kuti matenga abatire moto agoparadzwa uye zvomudenga zvichanyungurutswa nomoto.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo