1
Vaefeso 6:12
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
nokuti hatisi kurwisana navanhu asi nomweya ine ukuru ukuru, neino ushe nemweya inotonga pasi pose pano pane rima riripo iri uye tiri kurwisana nehondo nehondo dzomweya youipi iri mumatenga'mu.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Vaefeso 6:18
Namatai nguva dzose muina Mweya. Itai minamato nemikumbiro. Nechikonzero ichochi garai makangwaririra musingamborasa mwoyo muchikumbirira vatsvene vose.
3
Vaefeso 6:11
Pfekai zvose zvokurwisa nazvo zvaMwari kuti mukwanise kumirisana namazano akaipa aDhiabhori
4
Vaefeso 6:13
Naizvozvo torai zvose zvokurwisa nazvo zvaMwari kuti mukwanise kumira pazuva iroro rinenge rakaipa. Kana marwisa zvakaomarara zvazvo kudaro imi mucharamba makamira.
5
Vaefeso 6:16-17
uyewo garai nguva dzose makabata nhoo yechitendero yamunogona kudzima nayo miseve yose yomoto yewakaipa. Dzikai mumusoro ruponeso senguwani muine bakatwa raMweya zvichireva Shoko raMwari.
6
Vaefeso 6:14-15
Saizvozvo mirai makazvisunga zviuno zvenyu nechokwadi sebhande makapfeka demautare rapaditi rokururama. Mutsoka dzenyu pfekai shangu dzokuda kuparidza Shoko Rakanaka rorugare
7
Vaefeso 6:10
Pokupedzisira itosimbai muna Tenzi uye nokusimbarara kwesimba rake.
8
Vaefeso 6:2-3
“Remekedza baba naamai vako.” Uyu ndiwo mutemo unotanga kutaura uine chitsidzo kuti zvikufambire zvakanaka uye kuti ugare nguva ndefu panyika.
9
Vaefeso 6:1
Imi vana, teererai vabereki venyu muna Tenzi nokuti ndizvo zvakanaka.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo