wakati iwe, ‘Ndine nhamo ini nokuti Tenzi akawedzera kusuwa pakurwadziwa kwangu. Ndaneta nokugomera kwangu, handiwani zororo.’ Saka taura izvozvo kwaari uchiti, Zvanzi naTenzi, Chinzwa, zvandakavaka zviya ndava kuzozvipaza uye zvandakasima ndava kuzozvidzura zvichireva nyika yose.