1
Isaya 9:6
Bhaibhiri Idzva rechiShona
nokuti tazvarirwa mwana, tapiwa mwana mukomana; umambo uchava mumaoko make uye zita rake richanzi, “Gurukotarinoshamisa,” “Mwarisamasimbaose,” “Babanyakugaranokugara,” “Jindarorugare.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 9:2
Vanhu vaifamba murima vaona chiedza chikuru; vanhu vaigara munyika yezarima rorufu, chiedza chavavhenekera.
3
Isaya 9:7
Umambo hwake hucharamba huchingoenderera mberi huine rugare rusina mugumo ari pachigaro chaDhavhidhi paumambo hwake kuti hudzike midzi nokuhutsigisa noruenzaniso noururami kubvira zvino kusvikira narini wose. Tenzi wehondo nehondo neshungu dzake achatozviita izvozvo.
4
Isaya 9:5
nokuti shangu dzose dzomurwi wehondo dzavanogiga nadzo pasi muhondo nehanzu dzose dzakaumburudzwa muropa dzichapiswa sehuni dzomoto
5
Isaya 9:1
Asi hapachave nokusuruvara munyika iya yakanga ichitambura. Kare, Mwari akambopinza munhamo nyika yokwaZebhuruni nenyika yokwaNafutari asi munguva iri kuuya achaita kuti nzira yokugungwa inyatsopfumbira, nyika iri mhiri kwaJorodhani muGarirea kugere vechirudzi.
6
Isaya 9:3
Maita kuti rufaro rwavo ruwande mavapa rufaro rwakawanda vari kupembera kufara pamberi penyu sokufarwa kunoitwa pakukohwa sokufara kunoita vanhu pakugovana zvinenge zvapambwa.
7
Isaya 9:4
Pamusana pokuti matyora joko raimuremera netsvimbo yokumurova mapfudzi, neshamhu yaiye waimubata zvakaipa, sepazuva riya ramakakurira Midhiani
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo