1
Maraki 3:10
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Uyai nezvegumi zvakakwana mumba mokuchengetera zvinhu kuitira kuti mumba mangu muve nechokudya nezvo mundiedze henyu ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo muone kuti ini ndinorega here kukuzarurirai mahwindho okudenga ndichikuwodzvorerai mafashafasha emakomborero.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Maraki 3:11-12
Ndichakumisirai mharadzi kuti irege kuparadza michero yevhu renyu uyewo mugirepisi wenyu, muminda hauzotadza kubereka. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo. Ipapo marudzi ose avanhu achakutii muri vanhu vakakomborerwa nokuti muchange muri munyika yorufaro. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.
3
Maraki 3:17-18
“Ivavo vachava vanhu vangu,” ndizvo zviri kureva Tenzi wehondo nehondo. “Vachava upfumi hwangu hwakakosha kwazvo pazuva randichazoita zvandinoita. Uye ndichavachengetedza sokuchengetedza kunoita munhu mwana wake mukomana anomushandira. Ipapozve ndipo pamuchazosiyanisa mutsauko uri pakati pomururami nomuipi napakatiwo pomunhu anoshandira Mwari neasingamushandire.”
4
Maraki 3:1
Chinzwai, “Ndichatuma nhumwa yangu kuzofanondigadzirira nzira, Tenzi wamunodai kutsvaka achayerekana auya kuTemberi yake, nhumwa iyoyo yechitenderano yamunofarira iri kuuya,” ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo