1
Nziyo 119:105
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Shoko renyu ndiro rambi retsoka dzangu nemwenje unondivhenekera nzira. Nunu
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Nziyo 119:11
Ndakaisa shoko renyu mumwoyo mangu kuti ndirege kukutadzirai.
3
Nziyo 119:9
Ko jaya ringachengete seiko maitiro aro akanaka? Rinofanira kuzvichengetedza maererano neshoko renyu. Beti
4
Nziyo 119:2
Vakakomborerwa vanochengeta mitemo yake, vanomutsvaka nomwoyo wose
5
Nziyo 119:114
Ndimi mudziviriri wangu nenhowo yangu, ndinovimba neshoko renyu.
6
Nziyo 119:34
Ndipeiwo kunzwisisa ndichengete mutemo wenyu ndiutevedze nemwoyo wangu wose.
7
Nziyo 119:36
Rerekerai mwoyo wangu kumitemo yenyu kwete kune zvinondipfumisa.
8
Nziyo 119:71
Zvakanaka kuti ndakamborwadziwa kuti ndidzidze mitemo yenyu
9
Nziyo 119:50
Chinondinyaradza munhamo yangu ndechichi chokuti chitsidzo chenyu chinondipa upenyu.
10
Nziyo 119:35
Nditungamirireiwo munzira yemitemo yenyu nokuti ndinoifarira.
11
Nziyo 119:33
TENZI ndidzidziseiwo gwara rezvirevo zvenyu ndicharitevera kusvika kwokugumisa. Ite
12
Nziyo 119:28
Ndaparara nokusuruvara, ndisimbiseiwo sokutsidza kwamakaita.
13
Nziyo 119:97
Hakusi kuuda ikoko kwandinoita mutemo wenyu ndiwo wandinongofunga zuva rose. Memi
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo