1
Nziyo 51:10
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Ndipei mwoyo wakachena Mwari wangu muise mandiri mweya kwawo mutsva.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Nziyo 51:12
Ndidzorerewo rufaro rworuponeso rwenyu mundichengetedze ndiine mwoyo wokuteerera.
3
Nziyo 51:11
Musandidzinge pamuri uye musabvise Mweya wenyu mutsvene mandiri.
4
Nziyo 51:17
chibayiro changu kunemi Mwari, mwoyo wakatyoka-tyoka mwoyo wakatyoka uye wakatendeuka hamushore, Mwari.
5
Nziyo 51:1-2
Ndinzwireiwo tsitsi Mwari pamusana pemwoyochena wenyu nokuda kwengoni dzenyu zhinji. Pfudzai kukanganisa kwangu. Ndishambidzei kwazvo kuuipi hwangu mundinatsewo kuchitadzo changu
6
Nziyo 51:7
Ndinatsei nakapazi komuhisopu ini ndichabva ndachena ndishambidzei ndibva ndachena kupinda mazaya echando.
7
Nziyo 51:4
Imi, imi chete ndimi vandakatadzira, kwamuri ndakaita zvakaipa zvokuti zvamakatema zvakarurama uye kutonga kwenyu hakuna chinoshoreka.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo